bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Numbers 34
Numbers 34
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 35 →
1
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
2
“Udza vaIsiraeri kuti, kana masvika kunyika yeKanani, nyika ichava yenhaka yenyu, nyika yeKanani nemiganho yayo ndeiyi inoti:
3
rutivi rwenyika iyoyo rwokuchamhembe ruchatangira kurenje reZini, ruchitevedza nokurutivi rweEdhomu. Muganho wayo wokumaodzanyemba uchatangisira kunoperera gungwa Romunyu nechokumabvazuva.
4
Muganho wayo uchapota napamukwidza weAkirabhimu uchipfuura nokurenje reZini, uchizondosvika kumaodzanyemba kweKadheshibharinea wozoenda kuHazariadhari, uchizondosvika kuAzimoni.
5
Muganho wacho uchabva kuAzimoni wopota nokukakova kanonzi KakovakeIjipiti wozondogumira kugungwa.
6
“Muganho wavo wokumadokero uchava gungwa Dzvuku nemahombekombe aro. Iwoyu ndiwo muganhu wenyu wokumadokero.
7
“Muganho wenyu wokuchamhembe ndouyu, muchautara uchibva kugungwa guru uchienda kugomo reHoru,
8
wozobva kugomo reHoru, woita sewava kupinda muguta reHamati. Muganho iwoyu unozosvika kuZedhadhi.
9
Wozobvapo woenda kuZifuroni, wondoperera wava Hazarenani. Iwoyu ndiwo uchava muganho wavo wokuchamhembe.
10
“Muchatara muganho wenyu wokumabvazuva kubva paHazarenani kusvika kuShefamu.
11
Wozodzika uchibva Shefamu wosvika kuRibhura nechokumabvazuva kweAini. Wodzikazve kundosvika kumateru egungwa reKinereti kuri kumabvazuva.
12
Wozodzika kuna Jorodhani uchindoperera kuGungwa roMunyu. Iyoyi ndiyo nyika yenyu nemiganhu yayo inoipoteredza.”
13
Mosesi akaudza vaIsiraeri kuti, “Iyoyi ndiyo nyika yenhaka yenyu yamuchagovana nechin'ange sekutemwa kwayakaitwa naTenzi, ichipiwa madzinza mapfumbamwe nechikamu chapakati napakati cherimwe dzinza
14
nokuti vedzinza rokwaRubheni nemhuri dzavo, nevedzinza rokwaGadhi nemhuri dzavo pamwechete nechikamu chapakati napakati chevedzinza rokwaManase vanenge vatowana kare nhaka yavo.
15
Vamadzinza iwaya maviri, nechikamu chepakati nepakati cherimwe dzinza vanenge vatowana kare nhaka yavo kumhiri kwaJorodhani kwakatarisana neJeriko kunobuda nezuva kumabvazuva.”
16
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
17
“Aya ndiwo mazita avanhu vachakugovanisai nyika yenyu kunoti: Mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni.
18
Munofanira kusarudza mutungamiriri mumwechete padzinza roga roga wokugova nyika.
19
Aya ndiwo mazita avarume vacho: “Wedzinza rokwaJudha ndiKarebhu mwanakomana waJefune.
20
Wedzinza rokwaSimeoni ndiShemueri mwanakomana waAmihudhi.
21
Wedzinza rokwaBhenjamini ndiEridhadhi mwanakomana waKisironi.
22
Wedzinza rokwaDhani ndiBhuki mwanakomana waJongiri.
23
VokwaJosefi, wedzinza rokwaManase ndiHanieri mwanakomana waEfodhi.
24
Wedzinza rokwaEfuremu ndiKemueri mwanakomana waShifutani.
25
Wedzinza rokwaZebhuruni ndiErizafani mwanakomana waParinaki.
26
Wedzinza rokwaIsakari ndiParitieri mwanakomana waAzani.
27
Wedzinza rokwaAsheri ndiAhihudhi mwanakomana waSheromi.
28
Wedzinza rokwaNafutari ndiPedhaheri mwanakomana waAmihudhi.”
29
Ava ndivo varume vakapiwa naTenzi basa rokugovanisa vaIsiraeri nyika yeKanani.
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 35 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
Numbers Commentaries
→
Devotional
Numbers Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→