bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Numbers 16
Numbers 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 17 →
1
Kora mwanakomana waIzhari mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi pamwechete naDhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu vose naOni mwanakomana waPereti vedzinza rokwaRubheni,
2
vakafurirana navamwe varume vakapandukira Mosesi. Vanhu vacho vaikwana mazana maviri namakumi mashanu. Vaiva vamwe vevatungamiriri vakanga vasarudzwa kutungamirira vaIsiraeri, vari vanhu vanozivikanwa chaizvo.
3
Vakaunganidzana ndokupandukira Mosesi naAroni vachiti, “Varume mazopindiridza! Inga gungano rose rakasarudzwawo naMwari idzvene nemunhu woga woga arimo. Tenzi arimowo mavari. Ko munozozvikwidziridza muchizviisa pamusoro pegungano raTenzi sei?”
4
Mosesi paakazvinzwa akati pasi zvambarara.
5
Akazotaurira Kora navamwe vake achiti, “Mangwana Tenzi achafumotiratidza kuti vake ndavapi vaakazvisarudzira vagouya kwaari. Vaanenge asarudza achavaunza kwaari.
6
Chidai izvi! Iwe Kora neboka rako mangwana torai mabisiro orusenzi
7
muisemo mavhunze omoto norusenzi moisa mabisiro iwayo paatari panopisirwa rusenzi. Saka ipapo asarudzwa naTenzi ndiye mutsvene. Imi vana vaRevhi mapindiridza.”
8
Mosesi ndokupamhidza kutaurira Kora achiti, “Chinzwai vana vaRevhi!
9
Ko munoti chinhu chiduku here chamakaitirwa naTenzi waIsiraeri? Heya munoti chinhu chiduku nhai chaakaita chokukusarudzai muvaIsiraeri vose kuti mukwanise kusvika paari muchiita basa romutendhe raTenzi, akakuisai mberi kuti muitire vanhu basa remo.
10
Akakuswededza pedyo naye, iwe nehama dzako dzose, vanakomana vokwaRevhi. Ko zvino woda basa roupristi here?
11
Saka wamaunganira iwe neboka rako rose ndiTenzi wamunenge muchinyunyutira. Ko Aroni chiiwo zvake wamuri kunyunyutira.”
12
Mosesi akatumira shoko rokuti Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu vauye. Ivo vakati, “Kwete hatisi kukwira ikoko.
13
Ko unoti chinhu chiduku here chawakaita chokuti wakatibvisa munyika yakanaka inoerera uchi nomukaka kuzotiurayisa muno murenje, zvawava kutoda kuzviita mutongi wedu.
14
Haunawo kutisvitsa kunyika yakanaka inoerera uchi nomukaka, kana kutipa nhaka yeminda zvayo neyeminda yemigirepisi. Ko unodireiko kubata vanhu kumeso? Hatizi kuuyako.”
15
Mosesi akashatirwa zvikuru akati kuna Tenzi, “Musaite hanya nomupiro wavanokupai. Ini handina kumbovatorera kunyange dhongi rimwechete zvaro, handina kana mumwechete wavo wandakakanganisira.”
16
Mosesi akataurira Kora achiti, “Iwe neboka rako rose mangwana muuye kuna Tenzi, iwe neboka rako naAroni.
17
Mumwe nomumwe ngaauye nebisiro rake rorusenzi, aisemo rusenzi. Mose muuye nawo kuna Tenzi, mabisiro akwane mazana maviri ana makumi mashanu. Iyewe naAroni muuyewo namabisiro enyu orusenzi.”
18
Naizvozvo mumwe nomumwe akatora bisiro rake rorusenzi, ndokuisamo moto ndokuisawo rusenzi, vakandomira kumusuo wetendhe rinoera vaina Mosesi naAroni.
19
Kora akaunganidza gungano rose ravanhu kumusuo wetendhe rinoera kuzopikisana navo. Ipapo kupenya kwaTenzi kwakaonekwa negungano rose.
20
Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti,
21
“Sudurukai pagungano iri ndiriparadze kamwe kamwe.”
22
Asi Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara vakati, “Nhai Tenzi, inga ndimi muridzi woupenyu hwose. Ko mungabva mashatirirwa vanhu vose pamusana pomunhu mumwechete here?”
23
Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti,
24
“Udza vanhu vose kuti vabve pedyo namatendhe aKora naDhatani naAbhiramu.”
25
Mosesi akasimuka akaenda kuna Dhatani naAbhiramu. Vakuru vakuru vavaIsiraeri vakamuteverawo.
26
Akataurira gungano rose achiti, “Ndapota ibvai pedyo namatendhe evarume vakaipa ava. Musabate chinhu chavo mungadaro mukaparadzwa pamusana pezvitadzo zvavo.”
27
Vanhu vose vakabva pedyo panharaunda yamatendhe aKora naDhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu vakabuda pamwechete namadzimai avo navana vavo vose navacheche vakamira pamisuo yamatendhe avo.
28
Mosesi ndokuti, “Zvino muchazoziva kuti Tenzi ndiye akandituma kuzoita mabasa ose aya andinoita hazvisiri zvokungozvisarudzira. Zvamuchaziva nazvo ndezvizvi zvokuti,
29
kana varume ava vakaita mafiro anongoitawo vamwe vose kana kuwirwa nenhamo dzinongowirawo vamwe vose, Tenzi haana kundituma.
30
Asi kana Tenzi akaita chimwe chinhu chitsva, nyika ikashama muromo wayo ikavamedza pamwechete nezvinhu zvavo zvose, vakatozomokeramo vachienda kunzvimbo yavachakabvu, ndipo pamuchazoziva kuti varume ava vakashora Tenzi.”
31
Achangopedza kutaura mashoko iwayo pavakanga vamire pakati bamu kutsemuka.
32
Nyika yakashama muromo wayo, ikavamedza nedzimba dzavo navose vokwaKora nezvinhu zvavo zvose.
33
Saka vose vakati ririri imomo, vari vapenyu kunzvimbo yavachakabvu nezvinhu zvavo zvose. Pasi ndokuti gwibha kuvakwidibira. Ndiko kuparadzwa kwavakaitwa pakati pegungano ravaIsiraeri.
34
VaIsiraeri vose vakanga varipo vakanzwa kuchema kwavo vakatiza vachiti, “Nyika ingadaro ikatimedzawo nesu tose.”
35
Ipapo moto wakabva kuna Tenzi ukaroromesa varume vaya vaikwana mazana maviri namakumi mashanu vakanga vauya kuzopira rusenzi.
36
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
37
“Chiudza Ereazari mwanakomana womupristi Aroni kuti andobvisa mabisiro orusenzi mumoto, arasire mavhunze acho kure nokure nokuti mabisiro iwayo ava kuera.
38
Tora mabisiro avarume vaya vakatadza vakabva vaurayiwa, uapfure ave mapepa okukwidibirisa paatari nokuti vakauya nawo kuzopira Tenzi, saka ava kuera. Achava mucherechedzo wokuyambira vaIsiraeri.”
39
Ipapo Ereazari mupristi akatora mabisiro omundarira aye evaye vakaurayiwa. Vakaapfura vakagadzira chokukwidibirisa nacho atari
40
kuti chive chiyeuchidzo kuvaIsiraeri chokuti munhu wose asiri mupristi asiriwo wechizvarwa chokwAroni arege kuuya kuzopira Tenzi rusenzi nokuti zviya zvakawira Kora navamwe vake zvingavawirewo. Ndiwo mashoko akaudzwa Ereazari naTenzi achibva nokuna Mosesi.
41
Ramangwana racho gungano rose ravaIsiraeri rakanyunyutira Mosesi naAroni vachiti, “Makaurayisa vanhu vaTenzi.”
42
Gungano rose rakati rauya kuzopikisana naMosesi naAroni, rakatarisa kutendhe rokusanganira, onei gore ratorifukidza kupenya kwembiri yaTenzi kuchioneka.
43
Mosesi naAroni vakauya kumusuo wetendhe rokusanganira.
44
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
45
“Sudurukai pagungano iri, ndivaparadze, ndivati bvu kamwechete.” Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara.
46
Mosesi ndokutaurira Aroni achiti, “Tora bisiro rako rerusenzi uisemo moto wapaatari norusenzi, umhanyire naro kugungano upfupire mhosva yavo nokuti vatomutsa hasha dzaTenzi. Vanhu vatotanga kurakashwa nedenda.”
47
Aroni akaita zvaakaudzwa naMosesi akamhanyira mukati mavanhu. Wanei denda ratotanga kare muvanhu. Akaisa rusenzi mumoto achipfupira mhosva dzavanhu.
48
Akamira pakati pavanhu vakanga vafa navapenyu ndokubva denda ramiswa.
49
Vanhu vakaurayiwa nedenda iroro vaiva zviuru gumi nezvina zvina mazana manomwe tisingaverengi vaya vakaurayiwa paya pakapanduka Kora.
50
Aroni akadzokera kwaiva naMosesi kumusuo wetendhe rokusanganira paya pakamiswa denda.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
Numbers Commentaries
→
Devotional
Numbers Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→