bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Numbers 23
Numbers 23
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 24 →
1
Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Ndivakire atari nomwe, ugounza nzombe nomwe nehondohwe nomwe pano apa.”
2
Bharaki ndokuita sezvakanga zvataurwa naBhiriamu. Bharaki naBhiriamu Vakapira mupiro wehandira newehondohwe imwechete paatari imwe neimwe.
3
Ipapo Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Mirai pedyo nechibayiro chenyu chokupisa. Ini ndomboti sudurukei, zvimwe Tenzi angauye kuzosangana neni. Zvose zvaanenge andiratidza ndichakuudzai.” Akaenda pamhene pakakwirira.
4
Mwari ndokusangana naBhiriamu. Bhiriamu akati, “Ndagadzira atari nomwe, ndikapira handira nehondohwe paatari imwe neimwe.”
5
Tenzi akaudza Bhiriamu zvokundotaurira Bharaki achiti, “Chidzokera kuna Bharaki umuudze izvozvo.”
6
Bhiriamu akadzokera kwakare, wanei Bharaki achakamira pane chibayiro chake chokupisa, iye namachinda ose avaMoabhu.
7
Bhiriamu ndokutanga kutaura shoko rake achiti, “Bharaki akandiunza kubva kuSiria. Mambo wavaMoabhu akandibvisa kunyika yamakomo yokumabvazuva, achiti, ‘Uya kuno undirengererewo Jakobho Uya uzoshora vaIsiraeri.’
8
Ndingarengerere sei rushambwa vanhu vasina kurengererwa naMwari? Ndingashore sei vanhu vasina kushorwa naTenzi.
9
Ndiri pamusoro pamakomo pano ndinovaona, ndiri pazvikomo pano ndinovatarisa, onei vari vanhu vanoda kugara voga, vasingazviverengeri mukati mamamwe marudzi.
10
Ndiani angaverenge guruva rakadai kuwanda, saJakobho, kana kuverenga katsama zvako kavaIsiraeri. Regai ndife zvangu rufu rwavakarurama, kuguma kwangu kufananewo nokwavo.”
11
Bharaki ndokutaurira Bhiriamu achiti, “Ko chiiko chawandiitira ichi? Ndakakuunza kuti uzorengerera rushambwa vavengi vangu, asi iwe watonyatsovakomborera zvako!”
12
Bhiriamu akati, “Handiti zvandinenge ndaudzwa naTenzi ndizvo chete zvandinofanira kutaura?”
13
Bharaki akamutaurira kuti, “Handei kune imwe nzvimbo kwamungakwanise kuvatarisa muri, muchivaona. Munenge musingaoni zvenyu vose, asi vashoma chete, mundirengererere vanhu ivavo rushambwa muriko.”
14
Akaenda naye kuTsofimu pamusoro pegomo rePisiga. Akavaka atari nomwe ipapo ndokupira handira nehondohwe paatari imwe neimwe.
15
Bhiriamu ndokutaurira Bharaki achiti, “Mirai pano pane chibayiro chenyu chokupisa. Ini ndichambondosangana naMwari uko.”
16
Tenzi akasangana naBhiriamu, ndokumupa zvokundotaura achiti, “Chidzokera kuna Bharaki undomuudza izvozvo.”
17
Akadzokera kuna Bharaki kuya wanei achakangomira pane chibayiro chake chokupisa chiya aina machinda eMoabhu. Bharaki akati kwaari, “Zvanzi kudii naTenzi?”
18
Bhiriamu akaenderera mberi kuporofita achiti, “VaBharaki wee simukai munzwe, dombondinzwaiwo imi mwanakomana waZipori,
19
Mwari haazi munhu, haangarevi nhema, haazi munhu, haasanduki sanduki mukutaura. Ko munoti angataure chinhu pedzepo orega kuchiita here? Angatsidze chinhu chaasingazoita here?
20
Chinzwai, ini ndanzi ndivakomborere, iye atovapa chikomborero ini handingachibvisi.
21
Uipi hahuna kuonekwa muna Jakobho, kukanganisa hakuna kuonekwa muvaIsiraeri. Tenzi Mwari wavo anavo, kupemberera Tenzi samambo wavo kunonzwika pakati pavo.
22
Mwari akavaburitsa muIjipiti, achivarwira nesimba semvumba.
23
Zvoun'anga Jakobho hazvimukuvadzi, kana zvokurengerera vaIsiraeri hazvipe rushambwa. Vanhu vachataura zvaJakobho nezvavaIsiraeri vachiti, hezvoka zvakaitwa naMwari.
24
Tarisai muone rudzi rwavaIsiraeri! Runoti kwanyanu seshumba hadzi. Rugonyatsoti kangarara somukono weshumba isingarari pasi kusvikira yadya chainovhima, kana kunwa ropa rechayauraya.”
25
Bharaki ndokuti kuna Bhiriamu, “Chisva warega zvako kuvarengerera kana kumbovakomborera.”
26
Asi Bhiriamu akati, “Handina kukuudzai here kuti zvose zvandinenge ndaudzwa naTenzi ndizvo zvandichaita?”
27
Bharaki akataurira Bhiriamu achiti, “Handei kune imwe nzvimbo. Zvimwe Mwari angafare kuti uvarengerere uriko.”
28
Saka Bharaki akaenda naBhiriamu kugomo rePeori rakatarisana nerenje.
29
Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Ndivakirei atari nomwe pano, mundipe handira nomwe nehondohwe nomwe.”
30
Bharaki akaita zvaakaudzwa naBhiriamu. Akapira handira nehondohwe paatari imwe neimwe.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
Numbers Commentaries
→
Devotional
Numbers Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→