bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Numbers 30
Numbers 30
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 31 →
1
Mosesi akataurira vatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri achiti, “Izvi ndizvo zvandakarayirwa naTenzi.
2
Kana munhurume akatsidza kuitira Tenzi chinhu, kana kupika mhiko yokuregedza kuita chimwe chinhu, ngaaite zvaakapika, asambozviregedzi, ngaaite zvose zvaakataura nomuromo wake.
3
Kana munhukadzi, achiri kugara mumusha wababa vake, akatsidza kuitira Tenzi chinhu, kana kupika mhiko yokuregedza kuita chimwe chinhu,
4
kana baba vake vakanzwa chitsidzo kana mhiko yake vasina chavanotaura nazvo, zvose zvaakatsidza nezvaakapika ngaazviite.
5
Asi kana baba vake vakazvinzwa, vakamurambidza zuva rakarero, zvose zvaakatsidza kana zvaakapika hazvisisina maturo. Tenzi anobva amuregerera nokuti baba vake havana kuzvibvumira.
6
Kana mukadzi uya akaroorwa, achine mhiko kana chitsidzo chaakataura asina kumbonyatsofunga, murume wake akazvinzwa asi akasava nechaakataura zuva rakarero, zvaakatsidza nezvaakapika ngaazviite.
7
Asi kana murume wake akazvinzwa akarega kumutsiura zuva iroro raakazvinzwa mhiko yake nezvaakatsidza kuzvisunga nazvo zvicharamba zviripo.
8
Asi kana murume wake akazvinzwa achibva amurambidza zuva rakarero, zvose zvaakapika nezvaakataura, asina kumbonyatsofunga hazvisisina maturo. Tenzi anobva amuregerera.
9
“Asi chitsidzo nemhiko yechirikadzi kana yomukadzi akarambana nomurume wake chose chaanozvisunga nacho chichamusunga.
10
Ngatiti mukadzi akatsidza achiri mumba momurume wake kana kupika mhiko
11
murume wake akazvinzwa, asi akaramba akanyarara asingamutsiure zvose zvaakatsidza nezvaakapika, zvinomusunga.
12
Asi kana murume wake akazviramba zuva rakarero raanozvinzwa, zvose zvaakatsidza kana zvaakapika achitaura nomuromo nezvemhiko dzake nezvitsidzo zvake, murume wake akazvishaisa basa. Tenzi anomuregerera.
13
Murume wake ane mvumo yokumubvumidza kana yokumurambidza kuita zvose zvaanotsidza kana zvaanopika.
14
Asi kana murume wake akanyarara asina chaanotaura kwaari nazvo zuva nezuva, zvinoreva kuti anomubvumidza kuita zvose zvaanotsidza nezvose zvaanopika. Murume wake anenge abvumirana nazvo nokuti anenge asina kutaurira mukadzi wake zuva raanozvinzwa.
15
Asi kana murume akazvinzwa, kukapera mazuva asina kumurambidza, mhosva yanga iri yomukadzi iyeyo ichava yomurume wake.”
16
Iyi ndiyo mirao yakarayirwa Mosesi naTenzi yemhiko dzinoitwa nomunhukadzi muduku achiri mumba mababa vake nedzinoitwa nomukadzi ane murume wake.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36