bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Numbers 5
Numbers 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 6 →
1
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
2
“Taurira vaIsiraeri kuti ngavaburitse kunze kwamatendhe munhu ane chirwere cheganda chakaipisisa naane zvinobuda mumuviri wake naanenge an'oreswa nokubata chitunha.
3
Vanhu vakadai, varume kana vakadzi vaburitsei kunze kwematendhe kuti varege kun'oresa nzvimbo yake yose yematendhe mandinogara.”
4
VaIsiraeri vakaita saizvozvo vakavaburitsa kunze kwematendhe avo sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.
5
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
6
“Udza vaIsiraeri kuti kana munhu atadzira mumwe, munhu iyeyu atopesana naTenzi.
7
Munhu akadaro ngaareurure chitadzo chake aripe mhosva yacho nokubvisa muripo wayo agowedzera makumi maviri pazana roga roga raanofanira kuripa.
8
Kana munhu anogamuchira muripo iwoyo akafa pasinawo hama yake yomumba ingaugamuchira, ngaupiwe Tenzi kuti uzoshandiswa navapristi. Muripo iwoyo ndowokuwedzera pahondohwe inourayiwa panoitwa mupiro wokuripira chitadzo chake.
9
Zvipo zvose zvavaIsiraeri nezvose zvavanenge vaturira kuna Mwari vachizviunza kumupristi ndezvomupristi.
10
Chinhu chipi nechipi zvacho chinenge chaturirwa kuna Mwari nomunhu, chose chose zvacho chinenge chapiwa mupristi nomunhu ndechomupristi iyeyo pachake.”
11
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
12
“Udza vaIsiraeri izvi: Ngatiti mukadzi womunhu aita unzenza hwokusatendeka kumurume wake,
13
mumwe murume akarara naye zvikasazivikanwa nomurume wake, pasina amuona, asiye akazvin'oresa. Saka hakuna angamupomere mhosva uye panenge pasina chapupu nokuti anenge asina kubatwa achizviita.
14
Ngatiti murume iyeyo afungidzira mukadzi wake akazvin'oresa, kana kuti mweya wokufungira unouya paari asi mukadzi wake asina kuzvin'oresa,
15
pakadaro murume ngaaende nomukadzi wake kumupristi. Ngaauye nechibayiro chinodiwa kuti chipirwe iye cheupfu hwebhari hunorema kirogiramu rimwechete. Asi ngaarege kuisa mafuta eorivhi muupfu ihwohwo, kana kuhuisa rusenzi nokuti iwoyo mupiro wembesanwa weshanje, unoreva kuti pakaparwa mhosva inofanira kuyeukwa.
16
“Mupristi ngaaunze mukadzi iyeyo andomumisa pamberi paTenzi.
17
Mupristi ngaadire mvura inoera mumudziyo wevhu, anokore ivhu romutendhe rinoera ariise mumvura iya.
18
Mupristi ngaamise mudzimai iyeyo pamberi paTenzi ngaarudunure vhudzi romukadzi iyeyo, amubatise mumaoko upfu hwemupiro wembesanwa weshanje unoreva kuti paparwa mhosva inofanira kuyeukwa. Mupristi ngaabate mumaoko ake mbiya iya ine mvura inozhurungunda kuvava yokurengeresa rushambwa.
19
Mupristi iyeyo ngaaite kuti mukadzi uya apike mhiko yokuti, ‘Kana usina kutorana nomumwe murume kana usina kutsaukira kunezvakan'ora uri mumaoko omurume wako mvura iyoyi yokurengeresa nayo rushambwa ngairege kuwana chainokuita.’
20
Asi kana wakaita zvako zvounzenza, iwe uri mumaoko omurume wako, uyezve kana iwe wakazvin'oresa uchitorana nomumwe murume asiri murume wako,
21
pakadai mupristi ngaatsidzire mukadzi iyeyo rushambwa achiti kumudzimai, ‘Tenzi ngaaite kuti urengererwe pakati pavanhu vakwako uzvimbe dumbu, upfudzike pamuviri.’ Mukadzi iyeyo ngaadaire achiti, ‘Ameni, ngazvive saizvozvo.’
22
“Mvura iyi inopa rushambwa ngaipinde nomudumbu mako, muviri wako uzvimbe, upfudzike pamuviri. “Mukadzi iyeyo ngaati, ‘Ameni, ngazvive saizvozvo.’
23
“Mupristi ngaanyore kurengerera rushambwa ikoku, mubhuku asukire zvanyorwa zviya mumvura iya inozhurungunda kuvava.
24
Mupristi ngaamwise mudzimai mvura iyoyo inozhurungunda yokurengeresa. Mvura iyoyo yokurengeresa rushamba ichapinda maari igomurwadzisa zvakanyanya.
25
Mupristi ngaatore upfu hwemupiro weshanje pamaoko emudzimai iyeyo ahusumudzire kuna Tenzi achipira mupiro wembesanwa paatari.
26
Mupristi ngaanokore tsama yahwo yechirango ahupise paatari. Shure kwaizvozvo ngaanwise mukadzi iyeyo mvura iya.
27
“Mupristi kana achinge amunwisa mvura iya, kana mukadzi iyeyo achinge akazvin'oresa asina kutendeka kumurume wake, mvura yokurengeresa rushambwa ichamupinda igomurwadza zvakaipisisa. Ichafufumisa muviri wake kuzvimba, achazvimba dumbu agopfudzika pamuviri; achave munhu akarengererwa rushambwa pakati pavanhu vokwake.
28
Asi kana mukadzi iyeyo asina kuzvin'oresa akachena, hapana chinomuwana, uye achava nembereko zvake.
29
“Uyu ndiwo murao wakanangana nezveshanje, kana mudzimai achinge atsauka aita zvounzenza zvake achizvin'oresa, iye ari mumaoko omurume wake,
30
uye kana murume apindwawo nomweya weshanje, oitira mukadzi wake shanje. Ngaaunze mukadzi wake pana Tenzi, mupristi aite kune mukadzi iyeyo zvose zvinorehwa nomurawo uyu.
31
Murume wake achashamba mhosva iyi maoko, asi mukadzi iyeyo achawana mubairo wouipi hwake.”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36