bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Numbers 27
Numbers 27
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 28 →
1
Vanasikana vaZerofehadhi vakauya kuna Mosesi. Zerofehadhi uyu aiva mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, saka aiva womudzimhuri dzokwaManase mwanakomana waJosefi. Vanasikana ivavo vainzi Mahara naNowa naHogira naMirika naTiriza.
2
Vakaenda kuna Mosesi naEreazari mupristi navatungamiriri negungano rose kumusuo wetendhe rokusangana vakati,
3
“Baba vedu isu vakafira kurenje. Asi vakanga vasiri muboka raKora riya rakaungana kuzopikisa Tenzi. Vakafawo nezvitadzo zvavo. Asi vakanga vasina mwana mukomana.
4
Ko zvino zita rababa vedu rorovawo here mumhuri yavo, pamusana pokuti vakanga vasina mwana mukomana? Tipei nhaka pamwechete nehama dzababa vedu.”
5
Mosesi akandoisa chichemo chavo kuna Tenzi.
6
Tenzi akataurira Mosesi achiti,
7
“Zvataurwa navanasikana vaZerofehadhi ndizvo chaizvo. Vape mugove wenhaka pamwechete nehama dzababa vavo. Ita kuti vapiwe nhaka yababa wavo.
8
Taurira vaIsiraeri kuti kana murume akafa asina kusiya mwana mukomana, nhaka yake ngaipiwe vanasikana vake.
9
Kana asina kusiya mwanasikana nhaka yake ngaipiwe vakoma kana vanun'una vake.
10
Kana asina vakoma kana vanun'una, nhaka yake ngaipiwe vakoma kana vanun'una vababa vake.
11
Kana baba wake asina mukoma kana munun'una nhaka yake ngaipiwe hama yake yepedyo, kuti ive yake. Iwoyu uve murao unochengetwa navaIsiraeri sokurayira kwandaita ini Tenzi iwe Mosesi.”
12
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Kwira mugomo iri reAbharimu uone nyika yandakapa vaIsiraeri.
13
Kana waiona uchaendawo kune hama dzako vachakabvu, sezvakaita mukoma wako Aroni.
14
Ndinodaro nokuti hamuna kuteerera zvandakakuudzai kurenje reZini. Gungano rose ravaIsiraeri parakandinyunyutira paMeribha, hamuna kuratidza vanhu kururama nokuera kwangu.” Ndiyo mvura iya yepaMeribha paKadheshi murenje reZini.
15
Mosesi akanamata kuna Tenzi achiti,
16
“Imi Tenzi, Mwari muridzi woupenyu hwose, ndapota, sarudzai munhu anozotungamirira vanhu venyu ava.
17
Ndiye achavatungamirira pane zvose zvavanoita vari mukati nokunze ndiye achavatungamirira pavanoenda kuhondo napavanodzoka kuti vanhu venyu varege kuzoita sehwai dzisina mufudzi.”
18
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Tora Joshuwa mwanakomana waNuni murume ane mweya wangu maari, uise maoko ako pamusoro pake.
19
Mumise pamberi paEreazari mupristi negungano rose, umuturire basa iri vachizviona.
20
Mupe rimwe simba rako kuti gungano rose ravaIsiraeri rimuteerere.
21
Achapota achiuya kuzobatsirwa nomupristi Ereazari. Ereazari ndiye achashandisa Urimu neTumimu kubvunza Tenzi kana Joshuwa achida kuziva zvaangaite. Joshuwa navaIsiraeri vose vanotoenda kuhondo kana ati vaende, vanotozodzoka kana ati vadzoke.”
22
Mosesi akaita zvaakaudzwa naTenzi. Akatora Joshuwa ndokumumisa pamberi pomupristi Ereazari negungano rose
23
ndokuisa maoko ake pamusoro pake, ndokumuturira basa sokurongerwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
Numbers Commentaries
→
Devotional
Numbers Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→