bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Exodus 1
Exodus 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 2 →
1
Ndiwo mazita avana valsiraeri vakanga vaenda Ijipiti: mumwe nomumwe akaenda naJakobho ana veimba yake:
2
Rubheni, naSimioni, naRevhi, naJudha,
3
naIsakari, naZebhuruni, naBhenjamini,
4
naDhani, naNafutari, naGadhi, naAsheri.
5
Zvino vanhu vose vakanga vabva muchiuno chaJakobho vakanga vari vanhu vana makumi manomwe; asi Josefa akanga atova Ijipiti.
6
Zvino Josefa akafa, navana vababa vake vose, navose vakanga vane zero navo.
7
Vana vaIsiraeri vakaberekana, vakawanda kwazvo, vakava nesimba guru-guru; nyika yakanga izere navo.
8
Zvino paIjipititi pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa.
9
Iye akati kuvanhu vake, "Tarirai, vanhu ava, vana vaIsiraeri, vanotipfuura isu pakuwanda nesimba;
10
uyai, ngativafungire zano, varege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, ivo vangabatsirana navavengi vedu, vakarwa nesu, vakabva panyika ino."
11
Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta ana matura, Pitomi naRamesesi.
12
Asi vachiramba vachivanetsa, ivo vakaramba vachiwanda kwazvo, vachingopararira. Vakaora moyo nokuda kwavana vaIsiraeri.
13
VaIjipiti vakavabatisa zvinorema;
14
vakanetsa upenyu hwavo nebasa rinorema pamatope nezvitina, vachivabatisa zvinorema.
15
Zvino mambo weIjipiti akaudza madzimbuya avaHebheru, vainzi mumwe Shifura, mumwe Pua;
16
akati, "Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru pabasa ramadzimbuya, muchivaona pakupona, kana ari mwanakomana mumuuraye kana ari mwanasikana, ngaararame hake."
17
Asi madzimbuya akanga achitya Mwari, akasaita sezvaakarairwa namambo asi vakarega vanakomana vari vapenyu havo.
18
Mambo weIjipiti akadana madzimbuya, akati kwavari, "Makaitireiko izvozvo, mukarega vanakomana vari vapenyu?"
19
Madzimbuya akati kuna Farao, "Nokuti vakadzi vavaHebheru havana kufanana navakadzi vavaIjipiti, nokuti vane simba; mbuya vasati vasvika kwavari, vatopona havo."
20
Naizvozvo Mwari akaitira madzimbuya zvakanaka, vanhu vakawanda kwazvo, vakava nesimba kwazvo.
21
Zvino madzimbuya zvaakanga achitya Mwari, iye akavapa mhuri.
22
Farao akaraira vanhu vake vose, akati, "Vanakomana vose vanozoberekwa, muvakandire murwizi, asi vasikana vose muvarege vari vapenyu havo."
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40