bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Exodus 5
Exodus 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 6 →
1
Shure kwaizvozvo Mozisi naAroni vakaenda, vakati kuna Farao, "Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, `Tendera vanhu vangu kuenda, kuti vandiitire mutambo murenje.' "
2
Farao akati, "Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsiraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsiraeri kuenda."
3
Vakati, "Mwari wavaHebheru akasangana nesu; dotitenderai kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha Mwari wedu; kuti arege kutirova nedenda kana nomunondo."
4
Ipapo mambo weIjipiti akati kwavari, "imwi Mozisi naAroni, munotsausireiko vanhu pamabasa avo? Endai kumirimo yenyu."
5
Farao akati, "Tarirai, vanhu venyika ino vatova vazhinji, zvino imwi moda kuvazorodza pamirimo yavo."
6
Nomusi iwoyo Farao akaraira varairi vamabasa avanhu, navatariri vavo, akati,
7
"Musaramba muchipa vanhu uswa hwokuita zvitina nahwo, sezvamakaita kusvikira zvino; ngavaende vandozviunganidzira uswa vega.
8
Asi zvitina zvavakaita kusvikira zvino, muvatarire izvozvo; musazvitapudza, nokuti havana chavanobata, saka vanodana, vachiti, `Titenderei tindobayira Mwari wedu.'
9
Varume ngavawedzerwe basa rinorema, varemerwa naro; kuti varege kurangarira mashoko enhema."
10
Ipapo varairi vamabasa avanhu navatariri vavo vakabuda, vakataura navanhu, vakati, "Zvanzi naFarao, `Handichakupiyi uswa.
11
"Endai mega mundozvitorera uswa pamungauwana, nokuti basa renyu haritapudzwi.' "
12
Zvino vanhu vakapararira kunyika yose yeIjipiti kuzounganidza mashanga panzvimbo youswa.
13
Varairi vamabasa vakavakurudzira, vachiti, "Pedzai basa renyu, mabasa amaifanira kuita mazuva ose muchino uswa."
14
Navatariri vavana vaIsiraeri, vakanga vaiswa pamusoro pavo navarairi vaFarao, vaisirohwa, zvichinzi makaregerei kupedza basa renyu razuro neranhasi muchiita zvitina sezvamakaita kusvikira zvino?'
15
Zvino vatariri vavana valsiraeri vakauya vachichema kuna Farao, vachiti, "Munoitireiko kudaro navaranda venyu?
16
Varanda venyu havapiwi uswa, asi vanoti kwatiri, `Itai zvitina'; tarirai varanda venyu vanorohwa, asi mhaka iri kuvanhu venyu."
17
Asi iye akati, "Hamuna chamunobata, hamuna chamunobata, saka munoti, `Titenderei kundobayira Jehovha.'
18
Naizvozvo endai zvino, mubate, nokuti hamuchapiwi uswa, asi munofanira kupedza zvitina zvakatarwa."
19
Zvino vatariri vavana valsiraeri vakaona kuti vari panjodzi, zvazvakanzi, "Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, zvamunofanira kuita mazuva ose."
20
Vakasangana naMozisi naAroni, vakanga vamire panzira pakubuda kwavo pamberi paFarao;
21
vakati kwavari, "Jehovha ngaakutarirei akutongei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo."
22
Ipapo Mozisi akadzokera kuna Jehovha, akati, "Ishe, maitireiko vanhu ava zvakaipa? Manditumireiko?
23
Nokuti kubva panguva yandakaenda nayo kuna Farao kundotaura nezita renyu, iye akaitira vanhu ava zvakaipa; hamuna kutongorwira vanhu venyu."
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40