bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Exodus 10
Exodus 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 11 →
1
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa moyo wake, nemoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo;
2
kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha."
3
Zvino Mozisi naAroni vakapinda kuna Farao, vakati kwaari, "Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, `Ucharamba kuzvininipisa pamberi pangu kusvikira rinhiko?' Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.
4
Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu kuenda, tarira, mangwana ndichauyisa mhashu panyika yenyu;
5
dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiyirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda;
6
nedzimba dzenyu dzichazara, nedzimba dzavaranda venyu vose, nedzimba dzavaIjipiti vose; zvakadaro hazvina kumboonekwa namadzibaba enyu, namadzibaba amadzibaba enyu, kubva pazuva ravakatanga panyika kusvikira zuva rino." Ipapo akatendeuka akabuda pamberi paFarao.
7
Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, "Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira rinhiko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti raparadzwa?"
8
Zvino Mozisi naAroni vakadzoserwazve kuna Farao, iye akati kwavari, "Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu; asi vachaenda ndivananiko?"
9
Mozisi akati, "Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo."
10
akati kwavari, "Jehovha ngaave nemwi kana ini ndikatongokutenderai kuenda, imwi nepwere dzenyu! Chenjerai, nokuti munenge munofunga zvakaipa.
11
Haisva! imwi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira." Vakadzingwa pamberi paFarao.
12
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe."
13
Mozisi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu.
14
Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti, dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve.
15
Nokuti dzakafukidza nyika yose-yose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti.
16
Ipapo Farao akakurumidza kudana Mozisi naAroni, akati, "Ndatadzira Jehovha, Mwari wenyu, nemi.
17
Naizvozvo zvino ndikangamwirei zvivi zvangu nguva ino bedzi, mukumbire kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu bedzi."
18
Akabuda pamberi paFarao, akandokumbira kuna Jehovha.
19
Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyange nemhashu imwe chete munyika yose yeIjipiti.
20
Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda.
21
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tambanudzira ruoko rwako kudenga,rima rivepo panyika yeIjipiti, rima ringaita seringabatwa namaoko."
22
Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikavapo panyika yose yeIjipiti, rikaita mazuva matatu;
23
havana kuonana, uye hapana mumwe akasimuka paakanga agere namazuva matatu; asi vana vaIsiraeri vose vakanga vane chiedza kwavaigara.
24
Zvino Farao akadana Mozisi, akati, "Endai, mundonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi."
25
Mozisi akati, "Munofanira kutipawo mumaoko edu zvokubayira nezvipiriso zvokupisa zvatingandobayira Jehovha Mwari wedu.
26
Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyange nehwanda rimwe, nokuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo."
27
Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akaramba kuvatendera kuenda.
28
Zvino Farao akati kwaari, "Ibva pamberi pangu, chenjera kuti urege kuonazve chiso changu, nokuti nomusi waunoona chiso changu uchafa."
29
Mozisi akati, "Mareva kwazvo, handichazooni chiso chenyuzve."
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40