bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Exodus 16
Exodus 16
Shona 2009?
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 17 →
1
Zvino vakabva Erimu parwendo rwavo, ungano yose yavana vaIsiraeri ikasvika parenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi namashanu romwedzi wechipiri pakubva kwavo panyika yeljipiti.
2
Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mozisi naAroni murenje;
3
vana vaIsiraeri vakati kwavari, "Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara."
4
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete.
5
Zvino nomusi wetanhatu kana vogadzira izvo zvavauya nazvo, zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero chavanosiunganidza zuva rimwe nerimwe."
6
Zvino Mozisi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, "Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeIjipiti.
7
Fume mangwana muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti iye akanzwa kupopota kwamakapopotera Jehovha nako; isu tisu vanaaniko, zvamunotipopotera isu?"
8
Mozisi akati, "Muchaona izvozvo kana Jehovha achikupai nyama madekwana, mukaidya, namangwana kana achikupai zvingwa, mukaguta; nokuti Jehovha akanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu vanaaniko zvamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehovha."
9
Mozisi akati kuna Aroni, "Udza ungano yose yavana vaIsiraeri, uti, `Swederai pamberi paJehovha, nokuti akanzwa kupopota kwenyu.' "
10
Zvino Aroni akati achataura neungano yose yavana vaIsiraeri, ivo vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore.
11
Jehovha akataura naMozisi, akati,
12
"Ndanzwa kupopota kwavana vaIsiraeri; taura navo uti, `Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa;' zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu."
13
Zvino madekwana zvihuta zvikakwira, zvikafukidza misasa; fume mangwana dova rakanga rakapoteredza misasa.
14
Zvino dova rakanga riri pasi rikati radzimuka, vakaona zvinhu zviduku zvakaurungana zvakanga zviri pasi murenje, zviduku sechando pavhu.
15
Vana vaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, "Chinyiko?" Nokuti vakanga vasingazvizivi. Mozisi akati kwavari, "Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.
16
Zvino heri shoko rakarairwa naJehovha, `Muzviunganidzire chinhu icho, mumwe nomumwe sezvaanosidya; munhu mumwe nomumwe omeri imwe, muchiverenga vanhu venyu, mumwe nomumwe atorere vari mutende rake.' "
17
Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakaunganidza zvizhinji, vamwe zvishoma.
18
Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya.
19
Mozisi akati kwavari, "Kurege kuva nomunhu anosiya zvimwe kusvikira mangwana."
20
Asi havana kuteerera Mozisi, asi vamwe vakasiya zvimwe kusvikira mangwana; zvikazara honye, zvikanhuwa; Mozisi akavatsamwira.
21
Vakazviunganidza mangwanani ose, mumwe nomumwe sezvaaidya; kana zuva ropisa zvakanyakatika.
22
Nezuva retanhatu vaiunganidza chingwa vachiita zviyero zviviri, mumwe nomumwe omeri zvino vakuru vose veungano vakauya kuzoudza Mozisi.
23
Mozisi akati kwavari, "Ndizvo zvakataurwa naJehovha, `Mangwana izuva rezororo, iSabata rakatsaurirwa Jehovha;' gochai zvamunoda kugocha, bikai zvamunoda kubika; zvose zvasara muzvivige, muzvichengetere mangwana."
24
Vakazviviga kusvikira mangwana, sezvavakanga varairwa naMozisi; zvino izvo hazvina kunhuwa, nehonye hadzina kuzovamo.
25
Mozisi akati, "Chidyai henyu izvozvo nhasi, nokuti nhasi iSabata raJehovha. Nhasi hamungazviwani kusango.
26
Munofanira kuzviunganidza mazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe iSabata; nezuva iroro hakungavi nechinhu."
27
Zvino nezuva rechinomwe vamwe vakabuda kunozviunganidza, asi havana kuwana chinhu.
28
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemirau yangu kusvikira rinhiko?
29
Tarirai, Jehovha zvaakakupai Sabata, naizvozvo anokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurega kuvapo nomunhu anobuda kwaagere nezuva rechinomwe."
30
Vanhu vakazorora nezuva rechinomwe.
31
Zvino veimba yaIsiraeri vakatumidza izvozvo zita rinonzi Mana; chakanga chiri chichena setsanga yekorianderi; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi.
32
Zvino Mozisi akati, "Ndiro shoko rakarairwa naJehovha, `Omeri izere ngaichengeterwe marudzi enyu, vaone chingwa chandakakugutsai nacho murenje, nguva yandakakubudisai munyika yeIjipiti.' "
33
Zvino Mozisi akati kuna Aroni, "Tora hari uisemo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehovha, kuti ichengeterwe marudzi enyu."
34
Sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, saizvozvo Aroni akazvigadzika pamberi peChipupuriro, kuti zvichengetwepo.
35
Vana vaIsiraeri vakadya mana*makore makumi mana, kudzimara vachisvika panyika yakagarwa navanhu; vakadya mana*kudzimara vachisvika pamiganhu yenyika yeKenani.
36
Zvino omeri chegumi cheefa.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40