bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Exodus 15
Exodus 15
Shona 2009?
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 16 →
1
Zvino Mozisi navana vaIsiraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vakataura vachiti, "Ndichaimbira Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.
2
Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye akava ruponeso rwangu; uyu ndiye Mwari wangu, ndichamurumbidza; Mwari wababa vangu, ndichamukudza.
3
Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake.
4
Akakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa; varwi vake vakasanangurwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku.
5
Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura makadzika sebwe.
6
Rudyi rwenyu, Jehovha, rwakakudzwa nesimba rarwo; rudyi rwenyu, Jehovha, runoputsanya vavengi.
7
Noumambo bwenyu ukuru munowisira pasi vanokumukirai simba; munotuma kutsamwa kwenyu, kunovapisa sehundi.
8
Nokufema kwemhino dzenyu, mvura yakaunganidzwa pamwechete; nzizi dzikamira dzikaita murwi, mvura yakadzika yakagwamba mukati megungwa.
9
Muvengi akati, `Ndichateverera, ndichavabata, ndichagovera zvandapamba; kuchiva kwangu kuchagutswa navo; ndichavhomora munondo wangu, ruoko rwangu ruchavaparadza.'
10
Makafema mweya wenyu, gungwa rikavafukidza, vakanyura somutobvu mumvura ine simba.
11
Ndianiko akafanana nemi, Jehovha, pakati pavamwari? Ndianiko akafanana nemwi paukuru hwoutsvene, munorumbidzwa muchityisa, munoita zvishamiso?
12
Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikavamedza.
13
Makafambisa nenyasha dzenyu vanhu vamakadzikunura; makavaperekedza nesimba renyu kuugaro bwenyu utsvene.
14
Vanhu vakanzwa vakadedera, mabayo akawira vanhu vagere Firisitia.
15
Ipapo machinda eEdhomu akashamiswa, kudedera kwakawira vanhu vane simba veMoabhu; vanhu vose vanogara Kenani vakanyauka.
16
Kutya nokuvhunduka kwakavawira; vakanyarara sebwe noukuru hworuoko rwenyu; kusvikira vanhu venyu vayambuka, Jehovha, kusvikira vanhu venyu vamakazvitsvakira vayambuka.
17
Muchavapinza, nokuvasima pagomo renhaka yenyu, paugaro hwamakazviitira, kuti mugarepo, Jehovha; patsvene pakaitwa namaoko enyu.
18
Jehovha achabata ushe nokusingaperi."
19
Nokuti mabhiza aFarao akapinda mugungwa pamwechete nengoro dzake, navatasvi vake vamabhiza, Jehovha akadzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa.
20
Zvino Miriami, muporofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora gandira muruoko rwake, vakadzi vose vakabuda vakamutevera vanamakandira, vachitamba.
21
Miriami akavapindura akati, "Imbirai Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa."
22
Zvino Mozisi akatungamirira vaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura.
23
Vakasvika Mara, asi vakanga vasingagoni kumwa mvura yapaMara, nokuti yakanga ichivava; naizvozvo zita rapo rakanzi Mara.
24
Zvino vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, "Tichamweiko?"
25
Iye akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akavaitirapo murayiro nomutemo, akavaedzapo;
26
akati, "Kana uchiteerera nomoyo wose inzwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro pavaIjipiti, nokuti ndini Jehovha murapi wako."
27
Zvino vakasvika Erimu, pakanga pana matsime emvura ane gumi namaviri, nemichindwe ina makumi manomwe, vakavakapo misasa pamvura.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40