bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Exodus 2
Exodus 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 3 →
1
Zvino mumwe murume weimba yavaRevhi akawana mukunda wavaRevhi.
2
Mukadzi akava nemimba, akabereka mwanakomana; zvino akati achiona kuti mwana akanaka, akamuvanza mwedzi mitatu.
3
Akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo, akaigadzika pakati petsanga pamhenderekedzo dzorwizi.
4
Hanzvadzi yake ikandomira kure zvishoma, kuti azive zvichaitwa naye.
5
Zvino mukunda waFarao akaburuka kundoshamba murwizi, vasikana vake vakafamba-famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaona tswanda pakati petsanga, ndokutuma musikana wake kundoitora.
6
Akaizarura, akona mwana, mwana wechikomana, onei anochema. Akamunzwira ngoni, akati, "Ndomumwe wavana vavaHebheru."
7
Ipapo hanzvadzi yake yakati kumukunda waFarao, "Ko handingaendi ndikakudanirai mumwisi kuvakadzi vavaHebheru, kuti akumwisirei mwana here?"
8
Mukunda waFarao akati kwaari, "Enda." Musikana akaenda, akandodana mai vomwana.
9
Mukunda waFarao akati kwavari, "Tora mwana uyu, undimwisire ndigokupa mubairo wako." Mukadzi akatora mwana, akandomuyamwisa.
10
Mwana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akava mwanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mozisi, akati, "Nokuti,' ndamunyukura mumvura."
11
Zvino namazuva iwayo Mozisi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake.
12
Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muIjipiti, akamuviga mujecha.
13
Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vaHebheru vachirwa; akati kuna iye waiva nemhosva, "Unorovereiko munhu wokwako?"
14
Iye akati, "Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kanhi?" Mozisi akatya, akati, "Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikamwa."
15
Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mozisi. Asi Mozisi akatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidhiani, akagara pasi patsime.
16
Zvino muprista weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvimwiro, kuti vamwise makwai ababa vavo.
17
Vafudzi vakauya, vakavadzingapo, asi Mozisi akasimuka, akavabatsira, akamwisa makwai avo.
18
Zvino vakati vachisvika kuna Rueri, baba vavo, ivo vakati, "Makurumidza kudzoka seiko nhasi?"
19
Vakati, "MuIjipiti akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akamwisa makwai."
20
Akati kuvakunda vake, "Zvino aripiko? Munhu uyu mamusiyirei? Mudanei, adye zvokudya."
21
Mozisi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mozisi mukunda wake Zipora.
22
Akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Geshomi, nokuti akati, "Ndakanga ndiri mutorwa munyika yavamwe."
23
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kouranda.
24
Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho.
25
Mwari akaona vana vaIsiraeri, Mwari akavarangarira.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40