bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Exodus 35
Exodus 35
Shona 2009?
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 36 →
1
Zvino Mozisi wakaunganidza ungano yose yavana vaIsiraeri, akati kwavari, "Ndiwo mashoko akarairwa naJehovha kuti muaite.
2
Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe rinofanira kuva kwamuri zuva dzvene, Sabata rokuzorora kwazvo pamberi paJehovha; ani naani anobata basa ripi neripi naro, ngaaurawe.
3
Regai kuvesa moto padzimba dzenyu dzose nezuva reSabata."
4
Mozisi akataura neungano yose yavana vaIsiraeri, akati, "Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha, achiti,
5
‘Ripirai Jehovha chipo pazvinhu zvenyu; ani naani ane moyo unoda, ngaauye nacho, chive chipo chaJehovha, zvinoti: Ndarama, nesirivha, nendarira,
6
nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,
7
namatebwe amakondobwe akazodzwa zvitsvuku, namatebwe amatenhe, namatanda omuakasia,
8
namafuta omwenje, nezvinonhuhwira zvamafuta okuzodza, noupfu hunonhuhwira,
9
nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva.
10
" `Varume vose pakati penyu vane moyo yakachenjera ngavauye, vaite zvose zvakarairwa naJehovha;
11
zvinoti: Tabhenakeri netende rayo, nechifukidzo chayo, nezvikorekedzo zvayo, namapuranga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo;
12
neareka, namatanda ayo, nechifunhiro chokuyananisa, nechidzitiro chinodzitira,
13
netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza,
14
nechigadziko chemwenje yokuvheneka nayo, nenhumbi dzacho, nemwenje yacho, namafuta okuvhenekesa nawo,
15
nearitari yezvinonhuhwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noupfu hunonhuhwira, nechidzitiro chomukova pamukova wetabhenakeri,
16
nearitari yezvipiriso zvinopiswa, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo,
17
nezvidzitiro zvoruvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuo roruvanze,
18
nembambo dzetabhenakeri, nembambo dzoruvanze, netambo dzadzo,
19
nenguvo dzakarukwa zvakanaka dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguvo tsvene dzaAroni muprista, nenguvo dzavanakomana vake dzokushumira nadzo pabasa rouprista.' "
20
Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva kuna Mozisi,
21
vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguvo tsvene.
22
Vakauya varume navakadzi, vose vaiva nemoyo yakanga ichida, vakauya nezvikorekedzo, nezvindori zvenzeve, nezvindori zvokusimbisa, nezvishongo zvamaoko, nezvishongo zvose zvendarama; mumwe nomumwe wakavigira Jehovha chipo chendarama.
23
Murume mumwe nomumwe waiva nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, namatebwe amakondobwe akazodzwa zvitsvuku, namatebwe amatenhe, wakauya nazvo.
24
Mumwe nomumwe waigona kuripa chipo chesirivha nechendarira wakauya nechipo chaJehovha; mumwe nomumwe waiva namatanda omuakasia, avaigona kubata nawo, wakauya nawo.
25
Vakadzi vose vaiva nemoyo yakangwara vakaruka namaoko avo, vakauya nezvavakaruka, zvaiti: Zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.
26
Vakadzi vose vakanga vamutswa nemoyo yavo kuva vakachenjera vakaruka mvere dzembudzi.
27
Navakuru vakauya nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi, napahombodo yechipfuva,
28
nemiti inonhuhwira, namafuta okuvhenekesa nawo, nezvokuzodza nazvo, noupfu hunonhuhwira.
29
Vana vaIsiraeri vakauya nemoyo yavo nezvipo zvokupa Jehovha; murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe waitendiswa nomoyo wake kuti avigire zvokubata nazvo basa rose rakanga rarairwa naJehovha, kuti riitwe naMozisi.
30
Zvino Mozisi akati kuvana vaIsiraeri, "Tarirai, Jehovha wakadana nezita rake Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,
31
akamuzadza noMweya waMwari ave nokuchenjera, nokunzwisisa, nokuziva kose, nokugona marudzi ose amabasa,
32
kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,
33
nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona kubata mabasa ose oumhizha.
34
Akaisa mumoyo make uchenjeri hwokudzidzisa vamwe, iye naOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani.
35
Akavazadza nokuchenjera komoyo, kuti vagone kubata mabasa ose omuvezi wamabwe, neemhizha, naavasoni vezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, naavaruki vanobata mabasa ose, naavose vanofunga mano amabasa oumhizha."
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 36 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40