bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Exodus 24
Exodus 24
Shona 2009?
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 25 →
1
Zvino iye akati kuna Mozisi, "Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure;
2
Mozisi ngaaswedere pedo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedo, navanhu ngavarege kukwira naye."
3
Zvino Mozisi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nenzwi rimwe vakati, "Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita."
4
Mozisi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka aritari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.
5
Zvino akatuma majaya avana valsiraeri vakapisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokumubayira zvipiriso zvenzombe zvokuyananisa.
6
Mozisi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imwe hafu akasasa paaritari.
7
Akatora bhuku yesungano, akarava vanhu vachizvinzwa; ivo vakati, "Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera."
8
Ipapo Mozisi akatora ropa akarisasa pamusoro pavanhu, akati, "Tarirai ropa resungano yakaitwa naJehovha nemwi pamusoro pamashoko iwaya ose."
9
Zvino Mozisi, naAroni, naNadhabhi, naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe'vavaIsiraeri vakakwira.
10
Vakaona Mwari wavaIsiraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe esafiri, zvaionekera sokudenga chaiko.
11
Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsiraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakamwa.
12
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mabwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise."
13
Mozisi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mozisi akakwira mugomo raMwari,
14
akati kuvakuru, "Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari."
15
Zvino Mozisi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo.
16
Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mozisi ari mukati megore.
17
Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana valsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo.
18
Mozisi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mozisi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40