bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Exodus 40
Exodus 40
Shona 2009?
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
1
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2
"Nomusi wokutanga womwedzi unofanira kumisa tabhenakeri netende rokusangana.
3
Unofanira kuisa mukati mayo areka yechipupuriro, nokudzitira areka nechidzitiro.
4
Upinzewo tafura, nokugadzira zvinhu zvinofanira kuva pamusoro payo; upinzewo chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho.
5
Uisewo aritari yendarama yezvinonhuhwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa chidzitiro chomukova wetabhenakeri.
6
Zvino uisewo aritari yezvibayiro zvinopiswa pamberi pomukova wetabhenakeri yetende rokusangana.
7
Uisewo mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, ugodira mvura mukati mawo.
8
Zvino ugadzirewo ruvanze nokurembedza chidzitiro chesuo roruvanze.
9
"Utorewo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabhenakeri nawo, nezvose zviri mukati mayo; ugoitsaura, iyo nezvose zvirimo, kuti chive chinhu chitsvene.
10
Uzodzewo aritari nezvibayiro zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure aritari, aritari chive chinhu chitsvene-tsvene.
11
Uzodzewo mudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, uutsaure.
12
"Zvino uswededze Aroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura.
13
Ipapo ufukidze Aroni nguvo tsvene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire pabasa rouprista.
14
Uswededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguvo.
15
Uvazodze, sezvawazodza baba vavo, kuti vandishumire pabasa rouprista; kuzodzwa kwavo kunofanira kuva kwavari uprista nokusingaperi, kusvikira kumarudzi avo ose."
16
Mozisi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arairwa naJehovha, wakazviita saizvozvo.
17
Tabhenakeri ikamiswa nomwedzi wokutanga wegore rechipiri nomusi wokutanga womwedzi.
18
Mozisi akamisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo.
19
Akawarira tende pamusoro petabhenakeri, akaisa chifukidzo chetende pamusoro payo, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
20
Akatora chipupuriro, akachiisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka;
21
akapi nza areka mutabhenakeri, akarembedza chidzitiro chokudzitira nacho, akadzitira areka yechipupuriro; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
22
Akaisa tafura mutende rokusangana, kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro, kunze kwechidzitiro.
23
Akagadzirawo chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
24
Akaisa chigadziko chemwenje mutende rokusangana, chakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri nechenyasi.
25
Akatungidza mwenje pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
26
Akaisa aritari yendarama mutende rokusangana pamberi pechidzitiro;
27
akapisirapo zvinonhuhwira zvemiti yakanaka, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
28
Akagadzira zvirembedzwa zvomukova wetabhenakeri.
29
Akaisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rokusangana, akapisira pamusoro payo chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
30
Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo.
31
Ipapo Mozisi naAroni navanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavopo;
32
pakupinda kwavo mutende rokusangana, napakuswedera kwavo kuaritari, vaishamba, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
33
Akagadzirawo ruvanze rwaipoteredza tabhenakeri nearitari, akarembedza chidzitiro chesuo roruvanze. Naizvozvo Mozisi akapedza basa rose.
34
Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri.
35
Mozisi akasagona kupinda mutende rokusangana, nokuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri.
36
Zvino kana gore rokwidzwa richibva pamusoro petabhenakeri, vana vaIsiraeri vakapfuura vachifamba nzendo dzavo dzose.
37
Asi kana gore risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvikira musi warinozokwidzwa.
38
Nokuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petabhenakeri masikati, nomoto waiva mariri usiku, pamberi pavose veimba yaIsiraeri panzendo dzavo dzose.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40