bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Exodus 6
Exodus 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 7 →
1
Jehovha akati kuna Mozisi, "Zvino muchaona zvandichaitira Farao, nokuti achavatendera kuenda noruoko rune simba, uchavadzinga munyika yake noruoko rune simba."
2
Mwari akataurawo naMozisi, akati kwaari, "Ndini JEHOVHA.
3
Ndakazviratidza kuna Abhurahamu, nokunaIsaka, nokunaJakobho, ndiri Mwari Wamasimbaose, asi ndakanga ndisingazikamwi navo nezita rangu rinonzi JEHOVHA.
4
Zvino ndakasimbisa sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika youtorwa hwavo, mavakanga vari vatorwa.
5
Ndakanzwa kugomba kwavana vaIsiraeri vakasungwa navaIjipiti pauranda, ndikarangarira sungano yangu.
6
Naizvozvo muti kuvana vaIsiraeri, `Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaIjipiti, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikunurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.'
7
Ndichakutorai imwi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yaIjipiti.
8
Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha."
9
Mozisi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mozisi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga huchirema.
10
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati, "
11
"Pinda, undotaura naFarao mambo weIjipiti, kuti atendere vana vaIsiraeri kubuda munyika yake."
12
Mozisi akataura pamberi paJehovha, akati, "Tarirai, vana vaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?"
13
Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akavatuma neshoko kuvana vaIsiraeri nokuna Farao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri munyika yeljipiti.
14
Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsiraeri, vaiva Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi; ndivo vedzimba dzaRubheni.
15
Vanakomana vaSimiyoni vaiva Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani; ndivo vedzimba dzaSimiyoni.
16
Ndiwo mazita avanakomana vaRevhi namarudzi avo: Gerishoni, naKohati, naMerari; makore oupenyu hwaRevhi aiva makore ane zana namakumi matanhatu namanomwe.
17
Vanakomana vaGerishoni vaiva Ribhini, naShimei, namarudzi avo.
18
Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, nalzhari,.naHebhuroni, naUzieri; makore oupenyu hwaKohati aiva makore ane zana namakumi matatu namatatu.
19
Vanakomana vaMerari vaiva Makiri, naMushi. Ndivo vedzimba dzavaRevhi pamarudzi avo.
20
Amurami akawana Jokebhedhi, hanzvadzi yababa vake, iye akamuberekera Aroni naMozisi; makore oupenyu hwaAmurami aiva makore ane zana namakumi matatu namanomwe.
21
Vanakomana vaIzhari vaiva Kora naNefegi, naZikiri.
22
Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, naErizafani, naSitiri.
23
Aroni akawana Erishebha, mukunda waAminadhabhu, hanzvadzi yaNashoni, iye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, naEreazari, naItamari.
24
Vanakomana vaKora vaiva Asiri, naErikana, naAbhiasafi; ndivo vedzimba dzavaKora.
25
Ereazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo.
26
Ndivo vaya vanaAroni naMozisi vakanzi naJehovha, "Budisai vana vaIsiraeri munyika yeIjipiti nehondo dzavo."
27
Ndivo vakataura naFarao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri muIjipiti; ndivo vaya vanaMozisi naAroni.
28
Nomusi iwoyo Jehovha akataura naMozisi munyika yeIjipiti,
29
Jehovha akataura naMozisi, akati, "Ndini Jehovha; udza Farao, mambo weIjipiti, zvinhuzvose zvandakakuudza."
30
Ipapo Mozisi akati pamberi paJehovha, "Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?"
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40