bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Exodus 29
Exodus 29
Shona 2009?
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 30 →
1
"Zvino ndicho chinhu chaunofanira kuvaitira kuti uvaite vatsvene, vandishumire pabasa rouprista: Utore nzombe imwe duku; namakondobwe maviri asina mhosva,
2
nechingwa chisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta; unofanira kuzviita noupfu hwakatsetseka bwekoroni.
3
Uzviise mudengu rimwe, ugouya nazvo zviri mudengu, pamwechete nenzombe duku namakondobwe maviri.
4
"Zvino uuye naAroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura;
5
utorewo hanzu, ugofukidza Aroni nguvo nejasi reefodhi, neefodhi, nehombodo yechipfuva; uye umusunge chiuno chake nebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri;
6
uisewo nguwani pamusoro wake, nokuisawo korona tsvene panguwani.
7
Zvino unofanira kutora mafuta echizoro, uadire pamusoro wake, umuzodze.
8
"Zvino uuyisewo vanakomana vake, uvafukidze majasi.
9
Uvasunge zviuno zvavo nebhanhire, iye Aroni navanakomana vake, ugovaisa nguwani; vave vaprista nomutemo usingaperi; ugadze Aroni navanakomana vake.
10
"Zvino unofanira kuuyisa nzombe pamberi petende rokusangana, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wenzombe.
11
Ugobaya nzombe pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana.
12
Zvino utore ropa renzombe, ugoriisa panyanga dzearitari nomumwe wako, ndokudururira ropa rose mujinga mearitari:
13
Zvino utorewo mafuta ose anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, uzvipise pamusoro pearitari.
14
Asi nyama yenzombe, nedebwe rayo, namazvizvi ayo, unofanira kuzvipisa nomoto kunze kwemisasa; chipiriso chezvivi.
15
"Unofanira kutorawo gondobwe rimwe, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wegondobwe,
16
zvino ubaye gondobwe, utore ropa raro, urisase panhivi dzose dzearitari.
17
Ipapo uchekanye gondobwe, nokusuka ura hwaro, namakumbo aro, uise izvozvo pamwechete nenhindi dzaro nomusoro waro.
18
Zvino unofanira kupisa gondobwe rose paaritari; chipiriso chinopisirwa Jehovha, chipo chinonhuhwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha, pamoto.
19
"Zvino utorewo gondobwe rimwe, Aroni navanakomana vake vaise maoko avo pamusoro wegondobwe.
20
Ipapo unofanira kubaya gondobwe, ndokutora rimwe ropa raro, ugoriisa pamucheto wezasi wenzeve yorudyi yaAroni, napamicheto yenzeve dzorudyi dzavanakomana vake napamagumwe amaoko orudyi, napamagumwe etsoka dzavo dzorudyi, nokusasawo ropa panhivi dzose dzearitari.
21
Zvino unofanira kutora rimwe ropa, riri paaritari, namamwe mafuta okuzodza, uzvisase pamusoro paAroni napanguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napanguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye, kuti ave mutsvene iye, nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye.
22
"Zvino utorewo mamwe mafuta egondobwe, nebemhe raro, namafuta anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, nebandauko rorudyi, (nokuti igondobwe rokugadza naro),
23
nebundu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chiduku chinamafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.
24
Zvino uzviise zvose pamaoko aAroni napamaoko avanakomana vake, vagozvizunguzira, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
25
Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa, kuti chive chipo chinonhuhwira pamberi paJehovha; chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
26
"Utorewo chityu chegondobwe rokugadza naro raAroni, urizunguzire pamberi paJehovha, kuti chive chipo chinozunguzirwa; ndiwo mugove wako.
27
Zvino chityu chinozunguzirwa uchitsaure, nebandauko rechipiriso chinosimudzwa, chinozunguzirwa nokusimudzwa, zvegondobwe rokugadza naro, kuti zvive zvaAroni nezvavanakomana vake.
28
Izvozvo zvinofanira kupiwa Aroni navanakomana vake navana vaIsiraeri nokusingaperi nokuti chipiriso chinosimudzwa, chinobva kuvana vaIsiraeri pazvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, chive chipiriso chavo chinosimudzirwa Jehovha.
29
"nguvo dzaAroni dzichava dzavanakomana vake vanomutevera, kuti vazodzwe vakadzifuka, vagadzwe vakadzifuka.
30
Mwanakomana wake anopinda pauprista panzvimbo yake, unofanira kudzifuka mazuva manomwe, kana achipinda mutende rokusangana kushumira panzvimbo tsvene.
31
"Zvino unofanira kutora gondobwe rokugadza naro, ubike nyama yaro panzvimbo tsvene.
32
Aroni navanakomana vake ngavadye nyama yegondobwe, nechingwa chiri mudengu pamukova wetende rokusangana.
33
Vanofanira kudya izvozvo zvaiyananiswa nazvo, pakugadzwa nokutsaurwa kwavo; asi mweni ngaarege kuzvidya, nokuti zvitsvene.
34
Kana imwe nyama yokugadza nayo ikasara, kana chimwe chingwa, kusvikira mangwana, unofanira kupisa zvasara nomoto; hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.
35
"Unofanira kuitira Aroni navanakomana vake saizvozvo, zvose sezvandakuraira; uite mazuva manomwe uchivagadza.
36
Zuva rimwe nerimwe unofanira kubayira nzombe yechipiriso chezvivi, chokuyananisa nacho; unofanira kunatsa aritari, kana uchiiyananisira; uizodze kuti uitsaure.
37
Unofanira kuita mazuva manomwe pakuyananisira aritari, nokuitsaura; kuti aritari ive tsvene kwazvo, uye zvose zvinobata paaritari zvinofanira kuva zvitsvene.
38
"Zvino ndizvo zvaunofanira kubayira paaritari: Zuva rimwe nerimwe nguva dzose makwayana maviri.
39
Rimwe gwayana unofanira kuribayira mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuribayira madekwana.
40
Pamwechete negwayana rimwe unofanira kuisa chipiriso choupfu hwakatsetseka hwakasvika pachegumi cheefa hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa nechechina chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa.
41
Rimwe gwayana uribayire madekwana, uriitire sezvawakaitira chipiriso choupfu chamangwanani, nezvawakaitira chipiriso charo chinomwiwa, kuti chive chipiriso chinonhuhwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
42
Chinofanira kuva chipiriso chinopiswa nguva dzose pamarudzi enyu ose, pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, pandichasangana nemi, nditaurepo newe.
43
Ndipo pandichasangana navana vaIsiraeri, uye tende richatsaurwa nokubwinya kwangu.
44
Tende rokusangana nearitari ndichazvitsaura; uye Aroni navanakomana vake ndichavatsaura, kuti vandishumire pabasa rouprista.
45
Ndichagara pakati pavana vaIsiraeri, kuti ndive Mwari wavo.
46
Vachaziva kuti ndini Jehovha wavo, wakavabudisa panyika kuti ndigare pakati pavo; ndini Jehovha Mwari wavo.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40