bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hebrews 1
Hebrews 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
1
Mwari wakataura kare kunamadzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, uye nemitovo mizhinji,
2
zvino pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitavo naye nyika;
3
iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, unotakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa zvivi zvedu iye pachake, akagara kurudyi rwoVumambo kudenga,
4
akapfuvura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro,
5
Nokuti wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka? uye zve: Ndichava Baba vake, Iye uchava Mwanakomana wangu?
6
Vuye, kana achizovuyisazve dangwe rake panyika, unoti: Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.
7
Napamusoro pavatumwa unoti: Iye unoita vatumwa vake kuti vave Mhepo, Navaranda vake, kuti vave murazvo womoto;
8
Asi pamusoro poMwanakomana, unoti: Chigaro chenyu chovushe, imwi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri, Netsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo yovushe bwako.
9
Makada kururama, mukavenga kusarurama; Saka Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuvura shamwari dzenyu.
10
Vuye, Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga, Nedenga ndiro basa ramavoko enyu;
11
Iro richapera, asi imwi mucharamba muripo;Richasakara rose senguvo;
12
Mucharipeta sechinofukwa, Senguvo, rikashandurwa; Asi imwi makangodaro, namakore enyu haangagumi.
13
Asi wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako?
14
Ko havazi vose mweya inoshumira, yakatumwa, kuzobata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13