bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hebrews 2
Hebrews 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
1
Saka tinofanira kuteerera zvikuru izvo zvatakanzwa, kuti tirege kukukurwa.
2
Nokuti kana shoko, rakanga rataurwa navatumwa, rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kose kwakapiwa mubairo wakarurama,
3
ko isu tichapukunyuka sei, kana tisinehanya nokuponeswa kukuru kwakadai? Uku kwakaparidzwa pakutanga naShe, kukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa;
4
naiye Mwarivo achipupurirana navo nezviratidzo nezvinoshamisa, namabasa esimba mazhinji, nezvipo zvoMweya Mutsvene, nokuda kwake.
5
Nokuti nyika, inozovuya, yatinoreva, haana kuiisa pasi pavatumwa.
6
Asi mumwe wakapupura kwazvo paneimwe nzvimbo, achiti: Ko munhu chinyiko, zvamunomufunga? Kana mwanakomana womunhu, zvamunomushanyira?
7
Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa, Makamushongedza korona nokubwinya nokukudzwa, mukamubatisa vushe hwamabasa amavoko enyu.
8
Mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Nokuti pakuisa kwake zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chimwe, chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuvona kuti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
9
Asi tinomuvona, iye Jesu, wakaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, nokuda kokutambudzika korufu, wakashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa,kuti nokuda kwenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira munhu wose.
10
Nokuti zvakanga zvakafanira kuti iye, wakaitirwa zvinhu zvose, uye wakaita zvinhu zvose, pakuisa kwake vanakomana vazhinji pakubwinya, akwanise Mutungamiriri wokuponeswa kwavo nenzira yokutambudzika.
11
Nokuti uyo, unovaita vatsvene, naivo vanoitwa vatsvene, vose vakabva kunomumwe; nemhaka iyi haanenyadzi kuvaidza hama,
12
Zvaanoti: Ndichaparidzira hama dzangu zita renyu, Ndichakuimbirai pakati pekereke.
13
Vuyezve: Ndichavimba naye. Vuyezve: Tarirai, ini navana vandakapiwa naMwari.
14
Naizvozvo, vana zvavakagoverwa ropa nenyama, naiyevo wakagovana navo panaizvozvi; kuti nokufa kwake iye aparadze uyo unesimba rorufu, iye Dhiabhorosi;
15
agosunungura avo vaiva varanda pavupenyu bwavo bwose nokuda kokutya rufu.
16
Nokuti zvirokwazvo, haana kutora chimiro chavatumwa, asi wakazvitorera vana vaAbhurahamu.
17
Naizvozvo wakafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave muprista mukuru unengoni, wakatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu.
18
Nokuti zvaakatambudzika iye amene pakuidzwa kwake, unogona kubatsira vanoidzwa.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13