bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hebrews 5
Hebrews 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
1
Nokuti muprista mukuru mumwe nomumwe, wakatorwa kuvanhu, unogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi;
2
iye unogona kunzwira tsitsi avo vasingazivi navakatsauka, nokuti naiyevo amene wakakomberedzwa novutera.
3
Nemhaka iyo iye amene unofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvavanhu.
4
Hakuna munhu ungazvitorera basa iri rinokudzwa, asi kana achidamwa naMwari saiye Aroni.
5
Saizvozvovo Kristu haana kuzvikudza iye, achiitwa muprista mukuru, asi wakakudzwa naiye, wakati kwaari; Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka;
6
Sezvaanorevavo paneimwe nzvimbo, achiti: Ndiwe Muprista nokusingaperi wegwara "reimba" yaMerkizedheki.
7
Iye, pamazuva enyama yake, wakavuya kunaiye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kokutya kwake Mwari;
8
kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera nezvaakatambudzika;
9
akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kunavose vanomuteerera;
10
akanzi naMwari Muprista mukuru wegwara "reimba" yaMerikizedheki.
11
Tinamashoko mazhinji atingataura pamusoro pake, anorema kududzira, zvamava vanhu vasichagoni kunzwisisa kwazvo.
12
Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai zvidzidzo zvokutanga zvokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.
13
Nokuti mumwe nomumwe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake.
14
Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13