bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hebrews 8
Hebrews 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
1
Zvino, shoko guru panaizvozvo zvatataura, ndiro kuti: Tinomuprista mukuru wakadai wakagara kurudyi rwechigaro chovushe chovumambo kudenga;
2
iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabhernakeri chaiyo, yakamiswa naShe, isina kumiswa nomunhu.
3
Nokuti muprista mukuru mumwe nomumwe wakagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibayiro; naizvozvo naiye waifanira kuti ave nechaangabayiravo;
4
nokuti dai aiva panyika, ungadai asina kuva muprista, nokuti vaparista varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorebwa nomurairo;
5
ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarairwa iye Mozisi oda kuita tabhernakeri;nokuti wakati: Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.
6
Asi zvino wakapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuvura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuvura nokunaka.
7
Nokuti dai iya yokutanga yakanga isina chaingapomerwa, yechipiri ingadai isina kutsvakirwa nzvimbo.
8
Nokuti unovapa mhosva, achiti: Tarirai, mazuva anovuya, ndizvo zvinotaura Ishe Andichaita nawo sungano itsva neImba yaIsraeri, uye neimba yaJudha.
9
Isina kuita sesungano yandakaita Namadzibaba avo, Pazuva randakabata ruvoko rwavo, kuti ndivabudise munyika yeIjipiti;Nokuti havana kurambira musungano yangu, Neni ndikasava nehanya navo, ndizvo zvinotaura Ishe;
10
Nokuti ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri Kana mazuva iwayo apfuvura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pakufunga kwavo,Ivo vachava vanhu vangu;
11
Mumwe nomumwe haangazodzidzisi wokwake, Kana mumwe nomumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; Nokuti vose vachandiziva, Kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.
12
Nokuti ndichava nengoni nokusarurama kwavo, Nezvivi zvavo nokuipa kwavo handichazozvirangariri.
13
Zvaanoti: Sungano itsva, yakasakadza yokutanga; zvino chinhu chosakara, chova chakare, choda kurova.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13