bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hebrews 6
Hebrews 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
1
Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu, tipfuvurire mberi pakukwaniswa, tisingaisi zve nheyo dzokutendevuka pamabasa akafa, nedzokutenda kunaMwari,
2
nedzedzidziso dzebhabhatidzo, nedzokuisa mavoko, nedzokumuka kwavakafa, nedzokutongwa kusingaperi.
3
Ndizvo zvatichaita, kana Mwari achitendera.
4
Nokuti kana vari ivo, vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,
5
vakaravira shoko rakanaka raMwari, namasimba enyika inovuya,
6
kana vakazotsauka, hazvibviri kuvavandudzazve kuti vatendevuke, nokuti vanozvirovererazve Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena.
7
Nokuti nyika iyo, inoti kana yamwa mvura inosinaya pamusoro payo kazhinji, ikabereka mirivo yakafaniravo avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari;
8
asi kana ikabereka mhinzwa norukato, inorashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.
9
Asi vadikamwa, kunyange tichitaura kudai, tinoziva kwazvo pamusoro penyu zvinhu zvinopfuvura nokunaka, zvinoisa kukuponeswa.
10
Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, ungakangamwa basa renyu rorudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino.
11
Zvino tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma.
12
Kuti murege kuva novusimbe, asi muve vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira.
13
Nokuti Mwari pakupikira Abhurahamu, wakapika naiye amene, nokuti wakanga asinomukuru kwaari waangapika naye,
14
akati: Zvirokwazvo nokuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.
15
Nokudaro, wakati atsungirira, akawana chipikirwa.
16
Nokuti vanhu vanopika nomukuru kwavari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakava rose pakati pavo.
17
Saizvozvo Mwari wakati achida zvikuru kuratidza vadyi venhaka yechipikirwa, kuti chirevo chake hachishandurwi, wakapinda pakati nokupika;
18
kuti nezvinhu zviviri zvisingashandurwi, (nokuti pazviri Mwari haagoni kureva nhema), tive nesimbiso yakabata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi pedu, kuti tibate;
19
yatinayo sechibatiso choMweya, tariro isingazununguswi, yakasimba, inopinda kunezviri mukati mechidzitiro chetembere;
20
pakapinda mutungamiriri nokuda kwedu, iye Jesu wakaitwa muprista mukuru nokusingaperi,wegwara reimba yaMerikizedheki.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13