bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hebrews 7
Hebrews 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
1
Nokuti Merikizedheki uyo, mambo weSaremi, muprista waMwari Wokumusoro-soro, wakasongana naAbhurahamu pakudzoka kwake andovuraya madzimambo, akamuropafadza;
2
Abhurahamu akamupavo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, uye zve, mambo weSaremi, ndokuti, mambo werugare;
3
asinababa, asinamai, asinamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kovupenyu, asi wakafananidzwa noMwanakomana waMwari, unogara ari muprista nokusingaperi.
4
Zvino fungai kukura komunhu uyu, wakapiwa nateteguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba.
5
Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa rovuprista, vakarairwa nomurairo kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakabva muchivuno chaAbhurahamu,
6
asi uyu, asina kuravirwa rudzi rwake kwavari, wakapiwa zvegumi naAbhurahamu akamuropafadza iye wakanga anezvipikirwa.
7
Zvino hatingarambi kuti muduku ndiye unoropafadzwa nounopfuvura nokunaka.
8
uye pano, vanhu, vanofa, vanopiwa zvegumi; asi apo uyo unopiwa, unopupurirwa zvichinzi mupenyu.
9
Zvino tingati naRevhi, unopiwa zvegumi, iyevo wakapa zvegumi munaAbhurahamu;
10
nokuti wakanga achiri muchivuno chababa vake, pakusongana kwaMerikizedheki naye.
11
Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira yovuprista bwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murairo nokuda kwabwo), ko mumwe muprista waifanira kuzomuka seiko unorudzi naMerikizedheki, asinganzi unorudzi naAroni?
12
Nokuti kana vuprista bwuchishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwevo.
13
Nokuti uyo unorebwa zvinhu izvi pamusoro pake, wakanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusino munhu wakambobate-basa paaritari.
14
Nokuti zvinovonekwa pachena, kuti Ishe wedu wakabva kunaJudha; pamusoro porudzi urwu Mozisi haana kureva zvavaprista.
15
Izvi zvinoratidzwavo kwazvo, kana kuchimuka mumwe muprista wakafanana naMerikizedheki,
16
usina kuitwa muprista nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba rovupenyu bwusingapedzwi.
17
Nokuti iye unopupurirwa, zvichinzi: Iwe uri muprista nokusingaperi, Unorudzi naMerikizedheki.
18
Nokuti murau wokutanga unokoneswa nokuda kovutera bwawo, uye nokuti haunamaturo,
19
(nokuti murairo hauna kukwanisa chinhu), zvino tariro, inopfuvura nokunaka, ikaiswapo, yatinoswedera nayo kuna Mwari.
20
uye zve, zvaasina kuitwa muprista kusinemhiko;
21
(nokuti ivo vakaitwa vaprista kusinemhiko, asi iye nokupika kwaiye, wakati kwaari: Ishe wakapika, haangazvidyi moyozve, achiti: Iwe uri muprista nokusingaperi wegwara "reimba" yaMerikizedheki);
22
Saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuvura nokunaka.
23
Ivo vaiva vaprista vazhinji, nokuti vakadziviswa norufu kugara nokusingaperi,
24
Asi iye zvaanogara nokusingaperi unovuprista bwusingapfuvudzwi.
25
Naizvozvo unesimba rokuponesa kwazvo-kwazvo avo vanovuya kunaMwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere.
26
Nokuti muprista mukuru wakadai ndiye wataifanira kuva naye mutsvene, usinechakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa navatadzi, wakakwidzwa kumusoro kwedenga;
27
usingafaniri, savaya vaprista vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro.
28
Nokuti murairo unogadza vanhu vanovutera, kuti vave vaprista vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwaniswa nokusingaperi.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13