bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hebrews 9
Hebrews 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
1
Zvino, neyiyi sungano yokutanga yakanga inemirairo yokushumira Mwari nayo, neimba tsvene yenyika.
2
Nokuti tabhernakeri, yaiva yokutanga, yakagadzirwa, makanga mune chigadziko chemwenje, netafura, nezvingwa zvokuratidza; ndipo panonzi Patsvene.
3
Zvino mberi kwechidzitiro chechipiri pakanga panetabhernakeri yainzi Patsvene-tsvene;
4
pakanga panendiro yendarama yezvinonhuhwira, neareka yesungano, yakanga yakanamwa nhivi dzose nendarama, imomo makanga munehari yendarama, yakanga inemana, netsvimbo yaAroni, yakadeya kutunga, namabwendefa esungano;
5
pamusoro payo pakanga panamakerubhi okubwinya, akadzikatira chifunhiro chengoni; hatigoni kurondedzera izvozvo tichiita chimwe-chimwe zvino.
6
Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vaparista vaipinda mutabernakeri yokutanga nguva dzose, vachibata mabasa okushumira Mwari;
7
asi muneyechipiri muprista mukuru waipinda ari oga, kamwe chete negore, asingapindi asineropa, raaizvibayirira iye nezvivi zvavanhu;
8
Mweya Mutsvene achiratidza chinhu ichi, kuti nzira inoenda kuNzvimbo Tsvene yakanga isati yataridzwa, tabernakeri yokutanga ichimire;
9
wakanga uri mufananidzo wenguva inoyavanobayira nayo zvipo nezvibayiro, zvisingagoni kukwanisa pahana yake iye unoshumira;
10
nokuti yaingova mirairo yenyama, yezvokudya, nezvokumwa, nokushamba kuzhinji, yavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa.
11
Asi Kristu wakati asvika ari muprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozovuya, akapinda napatabhernakeri yakapfuvura pakukura napakukwana, isina kuitwa namavoko, ndiko kuti isati iri yokusikwa kuno,
12
haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwe, zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.
13
Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru, kana zvichisaswa pamusoro pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene, kuti vanatswe panyama,
14
zvikuru sei ropa raKrsitu, iye wakazviita noMweya usingaperi chibayiro kunaMwari, chisina chachingapomerwa, richanatsa hana dzedu pamabasa akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu.
15
Nemhaka iyo, iye ndiMurevereri wesungano itsva, kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikunura avo vakadarika pasungano yokutanga, vakadamwa vagopiwa chipikirwa chenhaka isingaperi.
16
Nokuti apo pane testamente, panofanira kuvapovo rufu rwaiye wakaiita.
17
Nokuti testamente inesimba kana vanhu vafa; nokuti haitongovi nesimba kana wakaiita achiri mupenyu.
18
Naizvozvo nesungano yokutanga haina kuvambwa pasine ropa.
19
Nokuti zvirevo zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMozisi sezvakareva murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamwe chete nemvura namakushe matsuku, nehisopi, akasasa bhuku imene navanhu vose,
20
achiti: Iri iropa resungano, yamakarairwa naMwari.
21
uye zve, wakasasa saizvozvo neropa tabhernakeri nemidziyo yose yokushumira nayo.
22
Zvirokwazvo tingati pamurairo zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa neropa; uye kana kusineropa rinotevurwa, hakunekangamwiro.
23
Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yaifanira kuti inatswe nezvibayiro izvi; asi zvinhu zvokudenga zvimene kuti zvinatswe nezvibayiro zvinopfuvura izvi nokunaka.
24
Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa namavoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu;
25
uye haana kupinda kuti azviite chibayiro kazhinji, somuprista mukuru unopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe, akabata ropa rezvimwe zvinhu;
26
nokuti dai zvakanga zvakadaro, ungadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino wakavonekwa kamwe chete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibairo kwake.
27
uye vanhu zvavakatemerwa kuti vafe kamwe chete, kutongeswa kugotevera,
28
saizvozvo Kristu, wakaitwa chibayiro kamwe chete, kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji, uchazovonekwa rwechipiri, asingatakuri zvivi, naivo vanomutarira kuti avaponese.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13