bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hebrews 12
Hebrews 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
1
Naizvozvo, nesuvo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, mberi kwedu
2
tichitarira kunaJesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda komufaro wakaiswa pamberi pake, akashovora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro chovushe chaMwari.
3
Nokuti cherekedzai uyo wakatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imwi murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.
4
Muchigere kudzivirira kusvikira ropa richibuda pakurwa kwenyu nezvivi.
5
uye makakangamwa kwazvo kuraira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti: Mwanakomana wangu, usazvidza Kuranga kwaShe, Usapera moyo kana uchirairwa naye;
6
Nokuti waanoda Ishe unomuranga, Unorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira.
7
Tsungai henyu moyo kuti murangwe; Mwari unobata nemwi savanakomana; nokuti mwanakomana ndoupi usingarangwi nababa?
8
Asi kana musingarangwi sezvinoitirwa vose, muri vana vovupombwe, hamuzi vanakomana chaivo.
9
uye zve isu taiva namadzibaba edu enyama, vaitiranga, tikavakudza; ko hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya, kuti tirarame here?
10
Nokuti ivo, zvirokwazvo, vakatiranga mazuva mashoma, sezvavaifunga: asi iye unotiranga kuti tibatsirwe, tigogoverwa vutsvene bwake.
11
Zvino kuranga kose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, asi mariro, asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.
12
Saka simbisaizve mavoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba;
13
gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi chiporeswe.
14
Tsvakai rugare navanhu vose novutsvene, nokuti kunze kwabwo hakunomunhu uchavona Ishe;
15
Muchichenjerera kuti kurege kuva nomunhu unokonewa panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo;
16
kurege kuvapo nemhombwe, kana nousinehanya naMwari, saEsau wakatengesa vudangwe bwake nokudya kamwe chete.
17
Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yokutendevuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi. Sungano itsva inofananidzwa nesungano yekare
18
Nokuti hamuna kuswedera kugomo ringabatwa namavoko, rinopfuta, uye kurima, nokusviba, nokudutu guru,
19
nokurira kwehwamanda, nokunzwi ramashoko;ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rimwe rirege kuzovataurirwa;
20
nokuti vakakoniwa kutevera chakanga charairwa, chokuti: Kunyange nemhuka kana ikabata gomo, ichatakwa namabwe;kana kufugwa nomuseve.
21
icho chakavonekwa chakatyisa kudai, kuti naMozisi wakati: Ndinotya kwazvo, ndinodedera;
22
asi imwi makaswedera kugomo reZiyoni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi,
23
nokuvungano huru, nokukereke yamatangwe akanyorwa kudenga, nokunaMwari, mutongi wavose, nokumweya yavakarurama vakakwaniswa,
24
nokunaJesu, Murevereri wesungno itsva, nokuropa rakasaswa, rinotaura zvakanaka kupfuvura ropa raAbheri.
25
Chenjerai kuti murege kuramba unotaura; nokuti kana avo vakamuramba nguva yaakavaraira panyika, vasina kupukunyuka, zvikuru isu kana tikafuratira iye wokudenga;
26
inzwi rake rakazungusa nyika nenguva iyo; asi zvino wakapikira, achiti: Ndichabvundisa zve kamwe chete,isati iri nyika bedzi, asi nedengavo.
27
Zvino shoko iri rokuti, kamwe chete, rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare.
28
Saka, zvatinopiwa vushe bwusingazununguki, ngative nokuvonga kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya.
29
Nokuti Mwari wedu moto unoparadza.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13