bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hebrews 3
Hebrews 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
1
Naizvozvo, hama tsvene, vagoverani neni pakudamwa kunobva kudenga, fungai zvakanaka Muapositora noMuprista mukuru wokupupura kwedu, iye Jesu Kristu,
2
wakanga akatendeka kunaiye wakamugadza, saMozisivo muimba yake yose.
3
Nokuti uyu wakanzi wakafanira kukudzwa kupfuvura Mozisi, muvaki weimba sezvaanokudzwa kupfuvura imba;
4
nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, wakavaka zvose, ndiye Mwari.
5
Zvino Mozisi wakanga akatendeka muimba yake yose somuranda, kuti ave chapupu chezvinhu zvinofanira kuzotaurwa,
6
asi Kristu soMwanakomana, wakaiswa pamusoro peimba yake; iye, tiri imba yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.
7
Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti: Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,
8
Musawomese moyo yenyu, sapanguva yokutsamwiswa, nezuva rokuidzwa murenje
9
Pandakaidzwa namadzibaba enyu, vachindinetsa, Vakavona mabasa angu makore Anamakumi mana.
10
Naizvozvo ndakanzwa shungu pamusoro porudzi urwu, Ndikati: Vanogara vachitsauka Pamoyo yavo; Asi havana kuziva nzira dzangu;
11
Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi pazororo rangu. Vanotenda voga ndivo vanopinda pazororo.
12
Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kunaMwari mupenyu,
13
asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi; kuti kurege kuva nomumwe wenyu unowomeswa nokunyengera kwezvivi.
14
Nokuti tava vagoverani pamwe chete naKristu, kana tichibatisisa kuvamba kokutenda kwedu kusvikira pakuguma;
15
zvichinzi: Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, Musawomesa moyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa.
16
Nokuti ndivanani vakanzwa, vakamutsamwisa? Havazi ivo vose vakabva Ijipiti naMozisi here?
17
Wakanzwa shungu makore anamakumi mana pamusoro pavanani? Havazi ivo vakatadza, mitumbu yavo ikawira murenje here?
18
Wakapika pamusoro pavanani kuti havangapindi pazororo rake? Havazi ivo vasina kutenda here?
19
Zvino tinovona kuti vakanga vasingagoni kupinda nokusatenda kwavo.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13