bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hebrews 10
Hebrews 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
1
Nokuti murairo zvaunomumvuri wezvinhu zvakanaka zvino vuya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kukwanisa avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira Mwari.
2
dai zvakanga zvakadaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? Nokuti vanonamata, kana vakanga vanatswa kamwe chete, vangadai vasina kuzoyevudzwa zvivi zvavo.
3
Asi nezvibayiro izvozvo vanoyevudzirwa zvivi gore rimwe nerimwe.
4
Nokuti ropa renzombe nerembudzi haritongogoni kubvisa zvivi.
5
saka pakusvika kwake panyika, unoti: Chibayiro nechipo makazviramba, Asi makandigadzirira muviri;
6
hamuna kuda zvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi;
7
Zvino ndikati: Tarirai, ndavuya, (Murugwaro makanyorwa pamusoro pangu) Kuti ndiite kuda kwenyu, imwi Mwari.
8
Zvaanoti pakutanga: Zvibayiro nezvipo, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi hamuna kuzvida, hamuna kufadzwa nazvo) zviri izvo zvinobayirwa Mwari sezvinoreva murairo),
9
Ndokuzoti: Tarirai, ndinovuya kuzoita kuda kwenyu imwi Mwari. Unobvisa chokutanga kuti amise chechipiri.
10
Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwe.
11
Muprista mumwe nomumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvisingagoni kubvisa zvivi;
12
asi murume uyu wakati abayira chibayiro kamwe chete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari;
13
kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.
14
Nokuti nechibayiro chimwe chete wakakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
15
NoMweya Mutsvene unotipupuriravo; nokuti wakatanga, achiti:
16
Iyi ndiyo sungano yandichaita navo Shure kwamazuva iwayo, ndizo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pamoyo yavo, Nokuinyora pakufunga kwavo; Ndokuzoti:
17
Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri.
18
Zvino, kana zvinhu izvi zvakangamwirwa, zvivi hazvichabayirwi.
19
Naizvozvo, hama dzangu, zvatingatsunga kupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,
20
nenzira itsva mhenyu, yaakativambira iye nokupinda kwake pachidzitiro chetembere, ndiyo nyama yake;
21
uye zvatinomuprista mukuru paimba yaMwari,
22
ngatiswedere nomoyo wechokwadi, nokutenda kwakasimba, moyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka.
23
Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka;
24
ngatirangarirane, timutsane moyo kuti tive norudo namabasa akanaka,
25
tisarega kuvungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirairane; zvikuru zvamunovona kuti zuva roswedera.
26
Nokuti kana tichitadza nobwoni, kana tambogamuchira zivo yechokwadi, hakuchinechibayiro pamusoro pezvivi,
27
asi kungomirira tichitya kutongeswa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vevengi.
28
Munhu, wakaramba murairo waMozisi, unofa asinganzwirwi tsitsi, kana panezvapupu zviviri kana zvitatu;
29
hamufungi here kuti munhu, wakatsika Mwanakomana waMwari pasi petsoka dzake, uye akati ropa resungano raakaitwa mutsvene naro harinamaturo zvaro, uye akazvidza Mweya wenyasha, kuti iye haanganzi wakafanirwa nokurobwa kunopfuvura uku kwazvo here?
30
Nokuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinotaura Mwari. uye zve: Ishe uchatonga mhosva dzavanhu vake.
31
Zvinotyisa kuwira pamavoko aMwari mupenyu.
32
Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa, mukatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko;
33
pamwe nokuti makaitwa chinhu chinotarirwa nokuzvidzwa nokutambudzwa; pamwe nokuti makagovana naivo vakaitirwa izvozvo.
34
Nokuti makanzwira tsitsi kusungwa kwangu, makatendavo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambwe, muchiziva kuti imwi mumene munefuma yakapfuvura nokunaka, inogara iri kudenga.
35
Naizvozvo regai kurasha kusatya kwenyu kunomubayiro mukuru.
36
Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa.
37
Nokuti kanguva kaduku-duku kachi'ko, Iye unovuya, uchavuya, asinganonoki.
38
Asi wakarurama wangu uchaponeswa nokutenda; Zvino kana akadzokera shure, moyo wangu haungafari naye.
39
Zvino isu hatizi ivo vokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri vokutenda kuti tiponese mweya.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13