bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hebrews 13
Hebrews 13
Shona 2009?
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
1
Rudo pakati pehama ngarugare.
2
Musakangamwa kuitira vaeni rudo; nokuti vachidaro vamwe vakagarisa vatumwa mumba, vasingazvizivi.
3
Fungai vakasungwa, somunenge makasungwa pamwe chete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumuviri imivo.
4
Wanano ngaikudzwe navose, nenhovo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.
5
Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene wakati: Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.
6
Naizvozvo tinotsunga moyo, tichiti: Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi; Munhu ungandiiteiko?
7
Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.
8
Jesu Kristu unogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi.
9
Musatorwa nedzidziso dzimwe dzisingazikamwi; nokuti zakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri.
10
Isu tine aritari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabhernakeri.
11
Nokuti mitumbu yezvipfuwo, zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene nomuprista mukuru nokuda kwe zvivi, inopiswa kunze kwemisasa.
12
Saka naiye Jesuvo wakatambudzika kunze kwesuvo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake.
13
Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake.
14
Nokuti pano hatineguta richagara, asi tinotsvaka richazovapo.
15
Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.
16
Asi musakangamwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari unofara nezvibayiro zvakadai.
17
teererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingazviiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu.
18
Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tinehana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.
19
Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.
20
Zvino Mwari worugare, wakadzosa kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi,
21
ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pake, naJesu Krisu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
22
Asi ndinokurairai, hama dzangu,kuti mutende neshoko rokuraira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma.
23
Zivai kuti hama yedu Timotio wakasunungurwa; kana akakurumidza kusvika, ndinozokuvonai pamwe chete naye.
24
Ndikwazisirei vatungamiriri venyu vose navatsvene vose. VeItaria vanokukwazisai.
25
Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13