bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Corinthians 1
2 Corinthians 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
1
Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuɗa kwaMŋari, naTimotio, hama yeɗu kukereke yaMŋari iri paKorinte, pamŋe cete naʋatȿene ʋose ʋari paAkaya yose:
2
Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu.
3
Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, iʋo Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, Ƃaɓa ʋeŋgoni, Mŋari wokunyaradza kwose;
4
iye unotinyaradza pakutambudzika kweɗu kwose, kuti isu tiʋe nesimba rokunyaradza ʋari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMŋari.
5
Nokuti maɗambudziko aKristu seɀaakaʋa mazhinji kwatiri, saiɀoɀo ʋo kunyaradzwa kweɗu kwakaʋa kuzhinji naKristu.
6
Ɀino kana ticitambudzika heɗu isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana ticinyaradzwa isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsuŋgirira pamaɗambudziko iwayo atinotambudzika ʋo nawo.
7
Tariro yeɗu pamsoro penyu yakasimba, nokuti tinoziʋa kuti seɀamunosoŋgana nesu pamaɗambudziko, saiɀoɀo ʋo pakunyaradzwa.
8
Nokuti hatiɗi, hama dzaŋgu, kuti murege kuziʋa kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwaɀo‐kwaɀo kukunda simba reɗu, nokuɗaro takarasha mŋoyo ticiti hatiŋgararami;
9
asi pamŋoyo peɗu isu takaŋga tatoɀitoŋgera rufu, kuti tirege kuʋimba nesimba reɗu, asi naMŋari unomutaa ʋakafa;
10
iye wakatisunuŋgura parufu rukuru rwakaɗai, ʋuye ucatisunuŋgura ɀe; iye watinotenda kuti ucaramba acitisunuŋgura;
11
nemi ʋo muciɓatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti ʋanhu ʋazhinji ʋaʋoŋge pamsoro peɗu nokuɗa kwecipo ceɗu cenyasha catakapiwa nokunyeŋgetera kwaʋazhinji.
12
Nokuti kuɀirumbidza kweɗu ndikoku: Kupupura kwehana yeɗu, kuti takafamba panyika, ɀikuru kwamuri, noʋutȿene neɀokwaɗi yaMŋari, tisiŋgafambi noʋucenjeri bgenyama, asi nenyasha dzaMŋari.
13
Nokuti hatikunyoreriyi ɀimŋe ɀinhu, asi iɀo ɀamunoraʋa neɀamunotenda; ndinoti ɗai muciɀitenda kuȿikira pakuguma;
14
seɀamakatitenda ʋo paneɀimŋe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semi ʋo mucaʋa kurumbidzwa kweɗu nezuʋa raShe Jesu.
15
Ndiciziʋa iɀoɀi, ndakaŋga ndiciɗa kutaŋga kuʋuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwecipiri;
16
ndipfuʋure nokwenyu ndicienda Makedonia, nokuʋuya nokwenyu ɀe, ndicibva Makedonia, ndiperekedzwe nemi ndicienda Judea.
17
Ɀino ɀandakaŋga ndiciɗa kuita iɀoɀo, ndakaita nokushanduka mŋoyo here? Kana, ɀandinoɗa kuita ndinoɀiɗa nenyama here, kuti ini pamŋe nditi: Hoŋo, hoŋo, pamŋe: Kwete, kwete?
18
NaMŋari wakatendeka, shoko reɗu kwamuri harizi hoŋo nakwete.
19
Nokuti Mŋanakomana waMŋari, Jesu Kristu, uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu — neni naSirvano naTimotio — wakaŋga asiri hoŋo nakwete, asi wakaŋga ari hoŋo maari.
20
Nokuti ɀipikirwa ɀaMŋari, kunyaŋge ɀiri ɀizhinji sei, maari ndihoŋo; naiɀoɀo naiye ʋo ndiAmeni, kuti Mŋari akudzwe nesu.
21
Ɀino, uyo unotisimbisa munaKristu pamŋe cete nemi, nokutizodza, ndiMŋari;
22
uyo wakatiisira ʋo cisimbiso, akatipa ruɓatso rwoMŋeya mumŋoyo meɗu.
23
Asi ndinoɗana Mŋari, aʋe capupu pamŋoyo waŋgu, kuti handina‐kuzoʋuya Korinte, nokuti ndakakunzwirai tsitsi.
24
Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokuɓatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13