bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Corinthians 5
2 Corinthians 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
1
Nokuti tinoziʋa kuti kana imba yeɗu yenyika, tabernakeri yeɗu, iciputswa, tinecakaʋakwa cinobva kunaMŋari, imba isina‐kuʋakwa namaʋoko, isiŋgaperi, iri kuɗeŋga.
2
Nokuti tinogomera ʋo mairi, ticishuʋa kuti tifukidzwe neimba yeɗu inobva kuɗeŋga;
3
kuti kana takafukidzwa heɗu, hatiŋgawanikwi tisina‐catakafuka.
4
Nokuti nesu, tiri mutabernakeri iyi tinogomera, ticiremerwa; tisiŋgaɗi kuti tikutunurwe, asi kuti tifukidzwe, kuti cinofa cimedzwe noʋupenyu.
5
Ɀino, uyo wakatigadzirira cinhu ici ndiMŋari, wakatipa ʋo ruɓatso rwoMŋeya.
6
Naiɀoɀo tinotsuŋga mŋoyo ŋguʋa dzose, ticiziʋa kuti kana ticigara mumuʋiri hatigari kunaShe;
7
nokuti tinofamba nokutenda, hatifambi nokuʋona;
8
tinotsuŋga mŋoyo ʋo, ticiti ɀirinani tirege kugara pamuʋiri, kuti tigare kunaShe.
9
Saka tinoshiŋgaira kuti timufadze iye, kunyaŋge ticigara’mo, kunyaŋge tisiŋgagari’mo.
10
Nokuti isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pecigaro cokutoŋga caKristu; kuti mumŋe nomumŋe apiwe ɀaakaita nomuʋiri, seɀaakaita, kana ɀakanaka kana ɀakaipa.
11
Naiɀoɀo ɀatinoziʋa kutya kwaShe, tinogombedzera ʋanhu; asi tinoratidzwa heɗu kunaMŋari; ʋuye ɀino ndinoti ɗai ticiratidzwa ʋo pahana dzenyu.
12
Hatiɀirumbidzi ɀe kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuɗa kweɗu, kuti mugone kupindura aʋo ʋanoʋimba neɀinoʋonekwa, ʋasiŋgaʋimbi neɀomŋoyo.
13
Nokuti kana ticipeŋga, takaɗaro nokuɗa kwaMŋari; kana tiri ʋanhu kwaʋo, takaɗaro nokuɗa kwenyu.
14
Nokuti ruɗo rwaKristu runotimanikidza; ɀatinoziʋa cinhu ici kuti mumŋe wakafira ʋose, ɀino ʋose ʋakafa;
15
ɀino iye wakafira ʋose, kuti aʋo ʋanorarama ʋarege kuzoɀiraramira iʋo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuɗa kwaʋo.
16
Naiɀoɀo, kubvira ɀino hatitoŋgoziʋi munhu panyama; ʋuye kunyaŋge takaziʋa Kristu panyama, kubvira ɀino haticamuziʋi saiɀoɀo.
17
Saka kana munhu ari munaKristu, waʋa cisikwa citȿa; ɀinhu ɀakare ɀapfuʋura; tarirai, ɀose ɀaʋa ɀitȿa.
18
Asi ɀinhu ɀose ɀakabva kunaMŋari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa;
19
ndiko kuti Mŋari wakaŋga aciyananisa nyika naye munaKristu, akasaʋaʋereŋgera kuɗarika kwaʋo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
20
Naiɀoɀo tiri nhume nokuɗa kwaKristu, Mŋari saaneŋge acikumbira ɀikuru nesu; tinokumbira nokuɗa kwaKristu, ticiti: Yananiswai naMŋari.
21
Uyo, wakaŋga asiŋgaziʋi ɀiʋi, wakamuita kuti aʋe ɀiʋi nokuɗa kweɗu; kuti isu tiʋe kururama kwaMŋari maari.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13