bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Corinthians 2
2 Corinthians 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
1
Asi ndakati mumŋoyo maŋgu, kuti handiɗi kuʋuya ɀe kwamuri nokucema.
2
Nokuti kana ndicikucemedzai, ndianiko ucandifadza, kana asiri iye wakacemedzwa neni?
3
Ɀino ndakanyora cinhu ici kuti kana ndaȿika, ndirege kucemedzwa naiʋo ʋaifanira kundifadza; ndicikutendai mose, kuti kufara kwaŋgu ndokwenyu mose.
4
Nokuti ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomŋoyo; ndisiŋgati mucemedzwe, asi kuti muziʋe ruɗo rukuru rwandinokuɗai narwo.
5
Ɀino kana mumŋe akacemedza hake, haana‐kundicemedza ini, asi ndiŋgati ɀimŋe‐ndirege kunyanyisa — imi mose.
6
Kuroʋa uku kwaʋanhu ʋazhinji kunoriŋgana munhu wakaɗai.
7
Naiɀoɀo ɀirinani kuti mumukaŋganwire nokumunyaradza, kuti arege kuʋodzwa mŋoyo kwaɀo neshuŋgu huru.
8
Naiɀoɀo ndinokumbira ɀikuru kwamuri kuti musimbise ruɗo rwenyu kwaari.
9
Nokuti ndakanyora ʋo iɀi, kuti ndikuidzei, ndiziʋe kana munoterera paɀinhu ɀose.
10
Ɀino iye wamunokaŋganwira, neni ndinomukaŋganwira ʋo; nokuti iɀo ɀandakaŋganwira ini, kana ndineŋge ndakakaŋganwira cinhu, ndakaɀiita nokuɗa kwenyu pamberi paKristu;
11
kuti tirege kunyeŋgerwa naSatani; nokuti mano ake tinoaziʋa.
12
Ɀino, ndakati ndiciȿika paTroasi kuparidza Evaŋgeri yaKristu, ndicizarurirwa mukoʋa munaKristu,
13
ndakaŋga ndisinezororo pamŋeya waŋgu, nokuti handina‐kuwana’po Tito, hama yaŋgu; asi ndakawonekana naʋo, ndikaenda Makedonia.
14
Asi Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, unotikundisa ŋguʋa dzose munaKristu, unoratidza nesu kwose‐kwose bgema bgokuziʋa kwake.
15
Nokuti isu tiri bgema bgakanaka bgaKristu kunaMŋari, pakati paiʋo ʋanoponeswa naʋanoparara.
16
Kunaʋamŋe tiri bgema bgorufu bgunoisa kurufu; kunaʋamŋe bgema bgoʋupenyu bgunoisa kuʋupenyu. Ɀino ndianiko uŋgakwanisa ɀinhu ɀakaɗai?
17
Nokuti hatifanani naʋamŋe ʋazhinji ʋanokaŋganisa shoko raMŋari; asi tinotaura munaKristu neɀokwaɗi, seɀinobva kunaMŋari, pamberi paMŋari.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13