bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Corinthians 9
2 Corinthians 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
1
Nokuti kana kuri kushumira ʋatȿene, handifaniri kuti ndikunyorerei;
2
nokuti ndinoziʋa kuɗa kwomŋoyo yenyu, kwandinorumbidza pamsoro penyu kunaʋaMakedonia, kuti ʋaAkaya ʋakaŋga ʋaɀigadzira kubvira makei; nokushiŋgaira kwenyu kwakamutsa ʋazhinji.
3
Ɀino, ndakatuma hama idzi, kuti kuɀirumbidza kweɗu pamsoro penyu kurege kuitwa pasina pacinhu ici; kuti, seɀandakareʋa, mugare makaɀigadzira;
4
kuti ɀimŋe kana ʋamŋe ʋeMakedonia ʋaciʋuya neni, ʋakakuwanai musina‐kuɀigadzira, isu (hatireʋi imi) tirege kunyadziswa pakutenda uku.
5
Naiɀoɀo ndakati ɀakafanira kuti ndiraire hama idzi, kuti ʋataŋge kuenda kwamuri, ʋataŋge kumbogadzira cipo cokuʋoŋga camakapikira kare, kuti ici cigare cakagadzirwa ciri cipo cokuʋoŋga, cirege kuʋa cinhu cakatorwa nesimba.
6
Ɀino raŋgarirai cinhu ici: Unodɀara ɀishoma, ucaceka ʋo ɀishoma; unodɀara ɀizhinji, ucaceka ʋo ɀizhinji.
7
Mumŋe nomumŋe ŋgaaite seɀaakafuŋga pamŋoyo; arege kuita nokucema, kana nokuroʋererwa; nokuti Mŋari unoɗa munhu unopa nomufaro.
8
Mŋari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti ŋguʋa dzose muʋe nokuriŋgana kwose paɀose, kuti muwanze maɓasa ose akanaka;
9
seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Iye wakaparadzira, iye wakapa ʋarombo; Kururama kwake kunogara nokusiŋgaperi.
10
Ɀino iye, unopa mudɀari mbeu neciŋgwa, kuti ɀiʋe ɀokudya, ucakupai ʋo mbeu dzokudɀara acidziwanza, nokuwedzera ɀiɓereko ɀokururama kwenyu;
11
mucifumiswa paɀose mugoziʋa kupa ɀakawanda, ɀinoti, kana ɀiciitwa nesu, Mŋari unoʋigirwa naɀo kuʋoŋga.
12
Nokuti kushumira kwokuɓatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwaʋatȿene ɓedzi, asi kunowanzisa ʋo kuʋoŋga kunaMŋari;
13
nokuɗa kweɀinoʋonekwa pakushumira uku ʋanorumbidza Mŋari, pamsoro pokupupura kwenyu kwakaterera Evaŋgeri yaKristu, napamsoro pokupa kwenyu ɀakawanda kwaʋari nokunaʋose.
14
Naiʋo ʋamene ʋanokushuʋai, ʋacikukumbirirai, nokuɗa kwenyasha huru‐huru dzaMŋari pamsoro penyu.
15
Mŋari ŋgaaʋoŋgwe pamsoro pecipo cake, cisiŋgagoni kurondedzerwa.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13