bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Corinthians 7
2 Corinthians 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
1
Ɀino, ʋaɗikanwa, ɀatineɀipikirwa iɀi, ŋgatiɀinatse pamatȿina ose enyama noomŋeya, tikwanise ʋutȿene pakutya Mŋari.
2
Mutizarurirei mŋoyo yenyu; hatinakuitira munhu ɀisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina‐kunyeŋgera munhu.
3
Handireʋi iɀi, kuti ndikupei mhoȿa; nokuti ndamboreʋa kuti imi muri mumŋoyo meɗu, kuti tife nokurarama pamŋe cete nemi.
4
Kusatya kwaŋgu kukuru pakutaura kwamuri, nokuɀirumbidza kwaŋgu kukuru pamsoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwaɀo pakutambudzika kweɗu kwose.
5
Nokuti takati taȿika Makedonia, nyama yeɗu haina‐kuzorora, asi takatambudzika pamatiʋi ose; kunze kwaiʋa nokukakaʋara, mukati maiʋa nokutya.
6
Asi Mŋari, unonyaradza ʋakaʋora mŋoyo, wakatinyaradza nokuȿika kwaTito;
7
handiti nokuȿika kwake ɓedzi, asi ʋo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamsoro penyu, acitiʋudza ɀecishuʋo cenyu, nokucema kwenyu, nokushiŋgaira kwenyu pamsoro paŋgu; saka ndakanyanya kufara.
8
Nokuti kunyaŋge ndakakucemedzai neŋwadi yaŋgu, handiɀidyi mŋoyo; kunyaŋge ndakaŋga ndiciɀidya mŋoyo haŋgu, ndinoʋona kuti ŋwadi iyo yakakucemedzai, asi yakaŋga iri ŋguʋa ɗuku hayo.
9
Ɀino, handifari kuti makacemedzwa, asi nokuti makacemedzwa mukatendeʋuka; nokuti makacemedzwa seɀinoɗa Mŋari, kuti murege kurashikirwa necinhu nokuɗa kweɗu.
10
Nokuti kucema seɀinoɗa Mŋari kunoʋuyisa kutendeʋuka, kunoisa kukuponeswa kusiŋgaɀidyi mŋoyo; asi kucema kwenyika kunoʋuyisa rufu.
11
Nokuti tarirai kuti cinhu ico cokuti makacemedzwa seɀinoɗa Mŋari, cakaʋuyisa mukati menyu kushiŋgaira kukuru sei, nokuɀiɗaʋirira, nokutsamŋa, nokutya, necishuʋo, nokurwadza mŋoyo, nokutsiʋa. Paɀinhu ɀose makaɀiratidza kuti makacena pacinhu ici
12
Ɀino, kana ndakakunyorerai, handina‐kuɀiita nokuɗa kwaiye wakaita ɀisakarurama, kana nokuɗa kwaiye wakaitirwa ɀisakarurama, asi kuti kushiŋgaira kwenyu nokuɗa kweɗu kuʋonekwe nemi mumene pamberi paMŋari.
13
Nemhaka iyi isu tinonyaradzwa; ɀino pakunyaradzwa kweɗu takafara ɀikuru kwaɀo pamsoro pomufaro waTito, nokuti mŋeya wake wakasimbiswa nemi mose.
14
Nokuti kana ndakaɀirumbidza necinhu kwaari pamsoro penyu, handina‐kunyadziswa; asi seɀatakataura kwamuri ɀose neɀokwaɗi, saiɀoɀo ʋo kuɀirumbidza kweɗu pamberi paTito kwakaʋonekwa kuti ndokwaɀokwaɗi.
15
Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, aciraŋgarira kuterera kwenyu mose, pamakamugamucira napo nokutya nokuɗeɗera.
16
Ndinofara kuti paɀinhu ɀose ndiŋgakutendai.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13