bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Corinthians 12
2 Corinthians 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
1
Ndinofanira haŋgu kuɀirumbidza, kunyaŋge ɀisina‐kunaka, asi ndicaȿika paɀiratidzo neɀakazarurwa ɀaShe.
2
Ndinoziʋa munhu uri munaKristu, aʋa makore anegumi namanna apfuʋura, (kana ɀakaitwa mumuʋiri, kana kunze kwomuʋiri, handiziʋi; Mŋari unoziʋa), munhu wakaɗai wakakwidzwa kuɗeŋga recitatu.
3
Ʋuye ndinoziʋa munhu wakaɗai (kana ɀakaitwa mumuʋiri kana kunze kwomuʋiri, handiziʋi; Mŋari unoziʋa),
4
kuti wakakwidzwa muparadiso, akanzwa mashoko asiŋgagoni kutaurwa, asina‐kutenderwa munhu kuti aareʋe.
5
Pamsoro pomunhu wakaɗai ndicaɀirumbidza; asi pamsoro paŋgu handiɀirumbidzi; asi pamsoro poʋutera bgaŋgu ɓedzi.
6
Nokuti kana ndiciɗa kuɀirumbidza, handiŋgaʋi ɓenzi; nokuti ndicareʋa ɀamaɀokwaɗi; asi ndinorega haŋgu, kuti kurege kuʋa nomunhu, uŋgati ndiri mukuru kuneɀaakaʋona kana ɀaakanzwa kwandiri;
7
ɀino, kuti ini ndirege kunyanya kuɀikudza nokuɗa kwoʋukuru kwaɀo bgeɀaka ndi zarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yaŋgu, nhume yaSatani, andiroʋe, kuti ndirege kunyanya kuɀikudza.
8
Pamsoro pecinhu ici ndakakumbira Ishe ɀikuru katatu, kuti cibve kwandiri.
9
Iye akati kwandiri: Nyasha dzaŋgu dzinokuriŋgana; nokuti simba raŋgu rinozadziswa paʋutera bgako. Naiɀoɀo ɀirinani kuti ndiɀirumbidze nomufaro mukuru noʋutera bgaŋgu, kuti simba raKristu rigare pamsoro paŋgu.
10
Naiɀoɀo ndinofara noʋutera, nokuɀidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuɗa kwaKristu; nokuti kana ndinoʋutera, ipapo ndinesimba.
11
Ndaʋa ɓenzi; imi mandiroʋerera. Nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi; nokuti handizi muɗuku napaɗuku kuʋaapostora ʋanopfuʋura ʋose, kunyaŋge ndisi cinhu.
12
Ɀirokwaɀo, ɀiratidzo ɀomuapostora ɀakaitwa pakati penyu nokutsuŋgirira kukuru, neɀiratidzo, neɀishamiso, namaɓasa esimba.
13
Nokuti makapfuʋurwa neiko nedzimŋe kereke, asi pakuti ini handina‐kukuremedzai? Ndikaŋganwirei henyu kusarurama uku.
14
Tarirai, ino ndiyo ŋguʋa yecitatu yandakaɀigadzira kuʋuya kwamuri; handiŋgakuremedziyi; nokuti handitȿaki ɀenyu, asi ndinokutȿakai imi; nokuti ʋana haʋafaniri kuceŋgetera ʋaɓereki, asi ʋaɓereki ʋanofanira kuceŋgetera ʋana.
15
Nokuti ndiŋgafara ɀikuru kupedza ɀose ɀaŋgu, nokupedzwa ini nokuɗa kwemŋeya yenyu. Kana ini ndicikuɗai ɀikuru, ini ndoɗikanwa ɀishoma here?
16
Ɀino, ŋgaɀiʋe saiɀoɀo haɀo, ini handina‐kukuremedzai; asi ɀandakaŋga ndinenjere, ndakakuɓatai namano.
17
Ndakakutorerai cinhu here nomumŋe waiʋo ʋandakatuma kwamuri?
18
Ndakaraira Tito, ndikatuma hama iya naye; ko Tito wakakutorerai cinhu here? Hatina‐kufamba nomŋeya mumŋe here? Ʋuye namakwara mamŋe here?
19
Ŋguʋa yose makaŋga muciti tinoɀiɗaʋirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMŋari munaKristu; asi tinotaura iɀi ɀose, ʋaɗikanwa, kuti musimbiswe.
20
Nokuti ndinotya kuti ɀimŋe kana ndiciȿika, ndiŋgakuwanai musina‐kuita seɀandinoɗa, neni ndiŋgawanikwa nemi ndakaita seɀamusiŋgaɗi; ɀimŋe kuŋgaʋa’po gakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokucera, namakuhwa, namanyawi, nenyoŋganiso;
21
kuti kana ndiciȿika ɀe, Mŋari waŋgu arege kundininipisa pamberi penyu, ndiceme pamsoro paʋazhinji ʋaʋo ʋatotadza, ʋakasatendeʋuka patȿina yaʋo, noʋupombge, no ʋ utere bgaʋakaita.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13