bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Corinthians 8
2 Corinthians 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
1
Ɀino tinokuziʋisai, hama dzaŋgu, nyasha dzaMŋari dzakapiwa pakereke dzeMakedonia;
2
kuti pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro waʋo mukuru, pamŋe cete noʋurombo bgaʋo bgukuru, ɀakawanza ɀikuru kusanyima kwaʋo.
3
Nokuti ndinopupura, kuti ʋakapa nokuɗa kwaʋo paʋakagona napo, kunyaŋge kupfuʋura paʋakagona napo;
4
ʋakakumbira nokunyeŋgetera kukuru kwatiri kuti tiʋatendere kuita ɓasa iri renyasha nokusoŋgana pakushumira ʋatȿene;
5
haʋana‐kuita seɀatakafuŋga ɓedzi, asi iʋo ʋakataŋga kuɀipa kunaShe, nokwatiri, nokuɗa kwaMŋari.
6
Naiɀoɀo takakumbira ɀikuru kunaTito, kuti seɀaakaŋga ataŋga, apedzise ɓasa iri renyasha pakati penyu ʋo.
7
Ɀino seɀamakapfuʋurira paɀinhu ɀose, pakutenda, napakutaura, napakuziʋa, napakushiŋgaira kwose, naparuɗo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuʋure paɓasa iri renyasha ʋo.
8
Handireʋi ndiciraira, asi kuti ndiidze ndiziʋe nokushiŋgaira kwaʋamŋe kana ruɗo rwenyu ndorwaɀokwaɗi ʋo.
9
Nokuti munoziʋa nyasha dzaShe weɗu, Jesu Kristu, kuti kunyaŋge akaŋga akafuma, wakaʋa murombo nokuɗa kwenyu, kuti imi noʋurombo bgake muʋe ʋafumi.
10
Pacinhu ici ndinokuʋudzai kufuŋga kwaŋgu; nokuti ɀicakuɓatsirai, nokuti ndimi makataŋgira vamŋe makei, musiŋgaiti ɓedzi, asi muciɗa ʋo.
11
Asi ɀino pedzisai kuita ʋo; seɀamakaŋga munomŋoyo unoɗa, saiɀoɀo pedzisai ʋo pamunogona napo.
12
Nokuti kana mŋoyo wokupa uri’po, cipo cinofadza paanapo, kusati kuri paanoshaiwa napo.
13
Nokuti handireʋi kuɗaro ndiciti ʋamŋe ʋarerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane;
14
kuti paŋguʋa ino kuwanda kwenyu kuɓatsire kushaiwa kwaʋo, kuti kuwanda kwaʋo kuɓatsire kushaiwa kwenyu ʋo; kuti kuʋe nokuenzana;
15
seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Wakaʋuŋganidza ɀizhinji, haana‐kusarirwa necinhu; naiye wakaʋuŋganidza ɀishoma, haana‐kushaiwa.
16
Ɀino Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, wakaisa mumŋoyo maTito kushiŋgaira kwakaɗaro kwamuri.
17
Nokuti wakanzwa bake kuraira kweɗu, asi ɀaakaŋga acishiŋgaira ɀikuru, wakaenda kwamuri, nokuɗa kwake hake.
18
Ɀino takatuma pamŋe cete naye hama iya, inorumbidzwa paEvaŋgeri pakereke dzose;
19
ɀisati ɀiri iɀoɀo ɓeɗzi, asi iye wakasanaŋgurwa ʋo nekereke kuti atiperekedze paɓasa iri renyasha, rinoitwa nesu, kuti iye Mŋari akudzwe, ʋuye kuɗa kwomŋoyo weɗu kuratidzwe;
20
ticiɀicenjerera, kuti kurege kuʋa nomunhu uŋgatipa mhoȿa pamsoro peɀakawanda iɀi, ɀatinoɓata naɀo.
21
Nokuti hatitȿaki ɀinhu ɀakanaka pamberi paShe ɓeɗzi, asi pamberi paʋanhu ʋo.
22
Takatuma ʋo naʋo hama yeɗu, yatakaidza kazhinji tikaʋona kuti unoshiŋgaira paɀinhu ɀizhinji; asi ɀino unonyanya kushiŋgaira nokuɗa kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri.
23
Kana ari Tito, ndiye shamŋari yaŋgu, nomuɓatsiri waŋgu kwamuri; kana dziri hama dzeɗu, ndiʋo ʋaapostora ʋekereke, ʋuye kukudzwa kwaKristu.
24
Naiɀoɀo muʋaratidze pamberi pekereke ciratidzo coruɗo rwenyu, necokurumbidza kweɗu pamsoro penyu.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13