bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Corinthians 10
2 Corinthians 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
1
Ɀino ini Pauro ndinokumbira ɀikuru kwamuri noʋunyoro netsitsi dzaKristu — ini muɗuku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsuŋga kwamuri kana ndisi’po —
2
Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndaʋa’po, ndirege kuzotsuŋga, nokutenda kwandinoti ɀino ndicatsuŋga nako kunaʋamŋe ʋanoti tinofamba ne nzira yenyama.
3
Nokuti, kunyaŋge ticifamba ne nzira yenyama, hatirwi ne mitoʋo yenyama;
4
nokuti nhumbi dzeɗu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzinesimba pamberi paMŋari rokuputsa nhare;
5
isu tinoti ticiputsa njere, neɀakakwirira ɀose ɀinomutswa kuzorwa nokuziʋa Mŋari, tinotapa mifuŋgo yose kuti iterere Kristu;
6
takaɀigadzira kuraŋga Kusaterera kwose, kana kuterera kwenyu kwazadziswa.
7
Imi munotarira ɀinhu ɀiri pamberi penyu. Kana munhu aciʋimba naɀo aciti ndiri waKristu, ŋgaaraŋgarire ɀe cinhu ici mumŋoyo make, kuti seɀaari waKristu iye, saiɀoɀo nesu ʋo.
8
Nokuti kunyaŋge ndainyanya kuɀirumbidza pamsoro pesimba reɗu ratakapiwa naShe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handiŋganyadziswi;
9
kuti ndirege kuita sendinokutyisai neŋwadi dzaŋgu.
10
Nokuti ʋanoti, ŋwadi dzake dzinamashoko makuru, dzinesimba, asi muʋiri wake kana ari’po, unoʋutera, nokutaura kwake kunoɀidzwa.
11
Munhu wakaɗaro ŋgaaraŋgarire cinhu ici, kuti seɀatinoreʋa paŋwadi kana tisi’po, ndiɀo ɀatakaita ʋo pakuita kweɗu kana tiri’po.
12
Nokuti tinotya kuɀienzanisa nokuɀifananidza naʋamŋe ʋanoɀikudza; asi iʋo haʋanenjere, ɀaʋanoɀienzanisa naiʋo ʋamene, nokuɀifananidza naiʋo ʋamene.
13
Ɀino isu hatiŋgaɀirumbidzi ticipfuʋura ciyero, asi neciyero cinoȿika pacitanda catakagoʋerwa naMŋari, kuti ciʋe ciyero, ciȿikire ʋo kwamuri.
14
Nokuti hatinyanyi kuɀitambanudza, seɀatisiŋgaȿikiri kwamuri; nokuti tisu takataŋga kuȿikira kwamuri neEvaŋgeri yaKristu;
15
hatiɀirumbidzi ticipfuʋura ciyero pamsoro peɓasa raʋamŋe; asi tinetariro kuti, kana kutenda kwenyu kucikura, isu ticakuriswa pakati penyu kuȿikira pacitanda ceɗu nokupfuʋurisa;
16
tigoparidza Evaŋgeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuɀirumbidza pacitanda comumŋe pamsoro peɀatoitwa haɀo.
17
Asi unoɀirumbidza, ŋgaaɀirumbidze munaShe.
18
Nokuti wakatendeka haazi iye unoɀirumbidza, asi ndiye unorumbidzwa naShe.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13