bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Corinthians 6
2 Corinthians 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
1
Ɀino ɀatinoɓatsirana naye, tinokumbira ɀikuru kuti murege kugamucira nyasha dzaMŋari pasina.
2
(Nokuti iye unoti: Ndakakunzwa iwe neŋguʋa yakafanira, Ndakakuɓatsira pazuʋa rokuponeswa; tarirai, ɀino iŋguʋa yakafanira; tarirai, ɀino ndiro zuʋa rokuponeswa.)
3
Hatigumbusi ʋamŋe necinhu, kuti kushumira kweɗu kurege kuɀidzwa;
4
asi paɀinhu ɀose tinoɀiratidza saʋashumiri ʋaMŋari, pakutsuŋgirira kukuru, panhamo, pakushaiwa, pamaɗambudziko,
5
pakurobga, pakusuŋgwa, pakunyoŋganiswa, pamaɓasa, pakusaʋata, pakuɀinyima ɀokudya;
6
pakucena kwomŋoyo, pakuziʋa, pamŋoyo murefu, paʋunyoro, paMŋeya Mutȿene, paruɗo rusiŋganyeŋgeri;
7
pashoko raɀokwaɗi, pasimba raMŋari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokuruɓoshwe,
8
nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; saʋanyeŋgeri, asi tiri ʋeɀokwaɗi heɗu;
9
saʋasiŋgazikanwi, asi ticizikanwa heɗu ɀikuru; saʋanofa, asi, tarirai, tiri ʋapenyu heɗu; saʋanorobga, asi tisiŋgaʋurawi heɗu;
10
saʋanocema, asi ticigara ticifara heɗu; saʋarombo, asi ticifumisa ʋazhinji heɗu; saʋasinecinhu, asi tinaɀo ɀose heɗu.
11
Imi, ʋaKorinte, muromo weɗu wakashama kwamuri, mŋoyo weɗu wakuriswa.
12
Hamumanikidzwi kwatiri, asi munomanikidzwa mumŋoyo menyu.
13
Ɀino, mundidzosere saiɀoɀo (ndinotaura sokunaʋana ʋangu), imi ʋo mukuriswe mŋoyo.
14
Musasuŋgwa ɀisina‐kufanira pajoko pamŋe cete naʋasiŋgatendi; nokuti kururama kuŋgaʋa noʋukama bgeiko nokusarurama? Ciedza ciŋgayanana seiko nerima?
15
Kristu uŋganzwana seiko naBeriari? Unotenda uŋgaʋa nomugoʋe weiko nousiŋgatendi?
16
Tembere yaMŋari iŋgatenderana seiko neɀifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMŋari mupenyu; Mŋari seɀaakareʋa, aciti: Ndicagara mukati maʋo, nokufamba mukati maʋo; ndicaʋa Mŋari waʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu.
17
Saka Ƃuɗai pakati paʋo, muɀiraʋure, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Musaɓata cinhu cinetȿina; Ini ndicakugamucirai,
18
Ndicaʋa Ƃaɓa ʋenyu, Nemi mucaʋa ʋanakomana naʋanasikana ʋaŋgu, ndiɀo ɀinotaura Ishe unesimba rose.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13