bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Corinthians 3
2 Corinthians 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
1
Tinotaŋga ɀe kuɀirumbidza kwamuri here? Tinotȿaka here saʋamŋe ŋwadi dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dziŋgatirumbidza?
2
Imi muri ŋwadi yeɗu yakanyorwa mumŋoyo meɗu, inozikanwa nokurabga naʋanhu ʋose;
3
makaʋonekwa kuti muri ŋwadi yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina‐kunyorwa neinki, asi noMŋeya waMŋari mupenyu; isina‐kunyorwa pamahwendefa amabge, asi pamahwendefa enyama omŋoyo.
4
Kutenda kwakaɗai tinako naKristu, kunaMŋari;
5
hatiti takakwana isu timene, kuti titeme cinhu timene; asi kukwana kweɗu kunobva kunaMŋari;
6
iye wakatikwanisa kuti tiʋe ʋashumiri ʋesuŋgano itȿa, isati iri yeɀakanyorwa asi yoMŋeya; nokuti ɀakanyorwa ɀinoʋuraya, asi Mŋeya unopa ʋupenyu.
7
Ɀino kana kushumira, kwakaʋuyisa rufu, kwakaŋga kwakatemŋa namaretere pamabge, kwakaʋuya nokubginya, kwakaŋga kwakaɗaro kuti ʋana ʋaIsraeri ʋakakoniwa kutarisisa ciso caMosesi nokuɗa kwokubginya kweciso cake — kwakaŋga kucipfuʋura hako —
8
ko kushumira kwoMŋeya hakuŋgaʋi nokubginya kukuru here?
9
Nokuti kana kushumira, kwakaʋuyisa kutoŋgeswa, kwakaŋga kunokubginya, ɀikuru sei kushumira, kunoʋuyisa kururama, kucakunda pakubginya.
10
Nokuti naico cakabginyiswa, hacina‐kubginyiswa, kana pacinhu ici ticicifananidza nokubginya kunokunda.
11
Nokuti kana ico cinopfuʋura caiʋa nokubginya, ɀikuru sei ico cinogara ndico ciri pakubginya.
12
Naiɀoɀo, ɀatinetariro yakaɗai, tinotaura tisiŋgatyi napaɗuku,
13
tisiŋgaiti saMosesi, waiisa cifukidziro paciso cake, kuti ʋana ʋaIsraeri ʋarege kutarisisa kuguma kweɀinopfuʋura.
14
Asi ndaŋgariro dzaʋo dzakakomara; nokuti kuȿikira zuʋa ranhasi, kana suŋgano yakare icirabga, cifukidziro ico ciri’po, ʋa siŋgaratidzwi kuti munaKristu ɀinopfuʋura.
15
Asi kuȿikira nhasi, kana Mosesi acirabga, cifukidziro ciri’po pamŋoyo yaʋo.
16
Ɀino kana munhu acitendeʋukira kunaShe, cifukidziro cinobviswa.
17
Ishe ndiMŋeya; ɀino panoMŋeya waShe, panesunuŋguko.
18
Ɀino isu tose tinoti ticitarira neciso cisina‐kufukidzirwa kubginya kwaShe sapaciʋoni‐ʋoni, tinoshandurwa ticifanana nomufananidzo iwoyo, ticibva pakubginya kumŋe ticienda kuno kumŋe kubginya, seɀicibva kunaShe, Mŋeya.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13