bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Corinthians 11
2 Corinthians 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
1
Ƌai mucindiitira mŋoyo murefu paɗuku paʋupenzi bgaŋgu; asi munondiitira henyu mŋoyo murefu.
2
Nokuti ndinegoɗo pamsoro penyu negoɗo raMŋari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumŋe, kuti ndikuisei kunaKristu semhandara yakacena.
3
Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyeŋgera Eva namano ayo, ɀimŋe saiɀoɀo ndaŋgariro dzenyu dziŋgaȿiɓiswa, dzitsauke pakururama nokucena kwomŋoyo kuri kunaKristu.
4
Nokuti kana mumŋe aciʋuya unoparidza mumŋe Jesu, watisina‐kumboparidza isu, kana ɀimŋe mucigamucira mumŋe mŋeya, wamusina‐kumbogamucira, kana imŋe evaŋgeri, yamusina‐kumbotenda, ɀino mo mu itira mŋoyo murefu kwaɀo.
5
Nokuti ndinoti handizi muɗuku napaɗuku‐ɗuku kuʋaapostora ʋanopfuʋura ʋamŋe ʋose.
6
Ɀino kunyaŋge ndisiŋganatsi pakutaura, handina‐kuɗaro pakuziʋa; asi paɀinhu ɀose takaratidza iɀoɀo kwamuri pamberi paʋose.
7
Ndakatadza here ɀandakaɀininipisa kuti imi mukudzwe, ɀandakakuparidzirai Evaŋgeri yaMŋari ndisiŋgapiwi muɓairo?
8
Dzimŋe kereke ndakadzitorera, ndicireʋa muɓairo, kuti ndikushumirei imi.
9
Ʋuye, paŋguʋa yandakaŋga ndiri kwamuri, ndicishaiwa, handinakuremedza munhu; nokuti ɀandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Makedonia; paɀinhu ɀose ndakacenjera kuti ndirege kukuremedzai, ʋuye ndicaramba ndicicenjera.
10
Ɀokwaɗi yaKristu iri mandiri, ndinoti kuɀirumbidza uku hakuŋgandidziʋisirwi kunyika dzeAkaya.
11
Nemhaka yeiko? Nokuti handikuɗiyi here? Mŋari unoziʋa.
12
Asi cinhu ici candinoita, ndinociita, kuti ndishaise nzira iʋo ʋanotȿaka nzira; kuti ʋawanikwe ʋakaita sesu paɀinhu iɀoɀo ɀaʋanoɀirumbidza naɀo.
13
Nokuti ʋakaɗaro ʋaapostora ʋenhema, ʋanoɓata nokunyeŋgera, ʋanoɀishandura ʋaciɀiita ʋaapostora ʋaKristu.
14
Na iɀoɀi haɀishamisi; nokuti kunyaŋge naSatani ʋo unoɀishandura, aciɀiita somutumŋa weciedza.
15
Naiɀoɀo hacizi cinhu cikuru, kana ʋashumiri ʋake ʋaciɀishandura ʋo, ʋaciɀiita saʋashumiri ʋokururama; kuguma kwaʋo kucaʋa seɀaʋakaɓata.
16
Ndinopamhidza, ndiciti: Ŋgakurege kuʋa nomunhu unoti ndiri ɓenzi; asi kana muciɗaro henyu, ndigamucirei seɓenzi, kuti ndiɀirumbidze haŋgu ɀishoma ʋo.
17
Ɀandinotaura, handiɀitauri seɀinobva kunaShe, asi sapaʋupenzi bgaŋgu, pakuɀitenda uku kwatinoɀirumbidza nako.
18
Ʋazhinji ɀaʋanoɀirumbidza panyama, neni ʋo ndicaɀirumbidza.
19
Nokuti munoitira mapenzi mŋoyo murefu nomufaro, imi muri ʋakacenjera;
20
nokuti munoita nomŋoyo murefu kana munhu acikuitai ʋaranda, kana acikuparadzai, kana acikutapai, kana aciɀikudza, kana acikuroʋai kumeso.
21
Ndinoreʋa ndici ɀis hoʋora, ndiciti takaŋga tisinesimba kuɗaro. Ɀino kana kunomunhu unotsuŋga, (ndinotaura seɓenzi), neni ndinotsuŋga ʋo.
22
Iʋo ʋaHeberu here? Neni ʋo. Iʋo ʋaIsraeri here? Neni ʋo. Iʋo ʋana ʋaAbrahama here? Neni ʋo.
23
Iʋo ʋashumiri ʋaKristu here? (Ndinotaura somunhu unopeŋga), ɀikuru ini; pamaɓasa ndinoʋapfuʋura, pakusuŋgwa patoroŋgo ndinoʋapfuʋura, pakurobga ɀikuru‐kuru, parufu kazhinji.
24
Ndakarobga naʋaJuda kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamŋe.
25
Katatu ndakarobga netȿimbo, kamŋe ndakatakwa namabge, katatu ndakaputsikirwa necikepe, ʋusiku bgumŋe namasikati ndakaŋga ndiri muguŋgwa;
26
panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzoʋorudzi rwaŋgu, panjodzi dzaʋahedeni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi muguŋgwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
27
pakuɓata napakutambura, pakuʋata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuɀinyima ɀokudya kazhinji, pacando napakushaiwa ɀokufuka.
28
Kunze kwaiɀoɀi, ndinoremedzwa zuʋa rimŋe nerimŋe nokuraŋgarira kereke dzose.
29
Ndianiko usinesimba, neni ndikasaʋa nesimba? Ndianiko unogumburwa, neni ndikasatȿa?
30
Kana ndikafanira kuɀirumbidza, ndicaɀirumbidza neɀinhu ɀoʋutera bgaŋgu.
31
Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe Jesu, unokudzwa nokusiŋgaperi, unoziʋa kuti handireʋi nhema.
32
paDamasko muɓati pasi pamambo Areta wakarinda guta raʋeDamasko, acitȿaka kundiɓata;
33
ndikaɓuruswa ndiri muɗeŋgu napawindi paruȿiŋgo, ndikatiza pamaʋoko ake.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13