bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 10
Romans 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
1
Hama dzaŋgu, kuɗa kwomŋoyo waŋgu nokukumbira kwaŋgu kunaMŋari pamsoro paʋo ndiko, kuti ʋaponeswe.
2
Nokuti ndinoʋapupurira kuti ʋanoshiŋgairira Mŋari, asi haʋaiti nokuziʋa.
3
Nokuti, ɀaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kururama kwaMŋari, ʋakatȿaka kumisa kururama kwaʋo ʋamene, ʋakasaɀiisa pasi pokururama kwaMŋari.
4
Nokuti Kristu ndimugumo womurairo, kuti mumŋe nomumŋe unotenda aruramiswe.
5
Nokuti Mosesi unonyora, aciti, munhu, unoita kururama, kunorebga nomurairo, ucararama naɀo.
6
Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreʋa kuɗai: Usati mumŋoyo mako: Ndianiko ucakwira kuɗeŋga? (ndiko kuɓurusa Kristu;)
7
kana, ndianiko ucaɓurukira kwakadzika‐dzika? (ndiko kuɓuɗisa Kristu kuʋakafa.)
8
Asi kunoreʋeiko? Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, nomumŋoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;
9
kuti, kana ucipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumŋoyo mako, kuti Mŋari wakamumutsa kuʋakafa, ucaponeswa;
10
nokuti munhu unotenda nomŋoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa.
11
Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haaŋganyadziswi.
12
Nokuti muJuda nomuGiriki haʋasiyani; nokuti mumŋe ndiye Ishe waʋose, wakafuma kunaʋose ʋanoɗana kwaari;
13
nokuti aninani unoɗana kuzita raShe, ucaponeswa.
14
Ɀino ʋacagoɗana seiko kunaiye, waʋasina‐kutenda kwaari? Ʋacatenda seiko kunaiye, waʋasina‐kunzwa? Ʋacanzwa seiko kana kusinomuparidzi?
15
Ʋacaparidza seiko, kana ʋasiŋgatumŋi? Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Dzakanaka sei tsoka dzaʋanoʋuya namashoko omufaro eɀinhu ɀakanaka?
16
Asi ʋose haʋana‐kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda ɀatakaparidza?
17
Naiɀoɀo kutenda kunoʋuya nokunzwa, nokunzwa kunoʋuya neshoko raKristu.
18
Asi ndinoti: Haʋanakunzwa here? Hoŋo, ɀirokwaɀo, Inzwi raʋo rakaɓuɗa kunyika yose, Namashoko aʋo kumigumo yenyika.
19
Asi ndinoti: ƲaIsraeri haʋana‐kuziʋa here? Pakutaŋga Mosesi unoti: Ndicamutsa goɗo renyu no rudzi rusati ruri rudzi, Ndicamutsa kutsamŋa kwenyu norudzi rusiŋganzwisisi.
20
NaIsaya, asiŋgatyi, unoti: Ndakawanikwa naʋasina‐kunditȿaka, Ndakaʋonekwa naʋasina‐kundibvunza.
21
Asi kuʋaIsraeri unoti: Ndakatambanudzira maʋoko aŋgu zuʋa rose kuʋanhu ʋasiŋgatereri, naʋanokakaʋara.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16