bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 15
Romans 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Ɀino isu, tinesimba, tinofanira kutakura ʋutera bgaʋasinesimba, tisiŋgaɀifadzi.
2
Mumŋe nomumŋe weɗu ŋgaafadze wokwake paneɀakanaka ɀinosimbisa.
3
Nokuti Kristu ʋo haana‐kuɀifadza; asi seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Kuɀidza kwaʋakakuɀidza nako kwakawira pamsoro paŋgu.
4
Nokuti ɀose ɀakanyorwa kare, ɀakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tiʋe netariro inobva pakutsuŋgirira napakunyaradza kwaMagwaro.
5
Ɀino Mŋari wokutsuŋgirira nowokunyaradza ŋgaakupei mŋoyo mumŋe pakati penyu, seɀinoɗa Kristu Jesu;
6
kuti mukudze Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, nomŋoyo mumŋe ʋuye nomuromo mumŋe.
7
Saka gamuciranai, Kristu seɀaakatigamucira, kuti Mŋari akudzwe.
8
Nokuti ndinoti: Kristu wakaitwa mushumiri wokudziŋgiswa kuratidza ɀokwaɗi yaMŋari, kuti asimbise ɀakapikirwa madziɓaɓa.
9
Ʋuye, kuti ʋahedeni ʋakudze Mŋari nokuɗa kweŋgoni dzake; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Naiɀoɀo ndicakurumbidzai pakati paʋahedeni, Nokukuimbirai zita renyu.
10
Ʋuye ɀe unoti: Farai imi ʋahedeni, naʋanhu ʋake.
11
Ʋuye ɀe: Rumbidzai Ishe, imi ʋahedeni ʋose; Marudzi ose ŋgaamukudze.
12
Ʋuye ɀe, Isaya unoti: Mudzi waJese ucaʋa’po, Naiye unomuka, kuti aɓate ʋahedeni; Ʋahedeni ʋacamutarira iye.
13
Ɀino Mŋari wetariro ŋgaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muʋe netariro yakawandisa, nesimba roMŋeya Mutȿene.
14
Ɀino, hama dzaŋgu, ini ndimene ndinoziʋa kwaɀo pamsoro penyu, kuti imi mumene muzere nokunaka, makazadzwa nokuziʋa kwose, munogona ʋo kurairana.
15
Asi ndinokunyorerai ɀimŋe ndicinyanya kutsuŋga, ndiciita sendinokuyeʋudzai nenyasha dzandakapiwa naMŋari,
16
kuti ndiʋe muranda waKristu Jesu kuʋahedeni, ndiciita ɓasa roʋuprista paEvaŋgeri yaMŋari, kuti ciɓayiro caʋahedeni cifadze Mŋari, cakaitwa citȿene noMŋeya Mutȿene.
17
Naiɀoɀo ndiŋgaɀirumbidza munaKristu Jesu paɀinhu ɀaMŋari.
18
Nokuti ndiŋgatya kutaura ɀimŋe ɀinhu, asi iɀo Kristu ɀaakaita neni, kuti ʋahedeni ʋaterereswe neshoko namaɓasa,
19
nesimba reɀiratidzo neɀinoshamisa, nesimba roMŋeya Mutȿene; nokuɗaro kubva Jerusarema nenyika yakapoteredza, kuȿikira Iririko, ndakaparidza kwaɀo Evaŋgeri yaKristu;
20
ndicishiŋgairira cinhu ici kuti ndiparidze Evaŋgeri, apo pasina‐kumborebga zita raKristu, kuti ndirege kuʋaka pamsoro penheyo dzomumŋe munhu;
21
asi, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Aʋo, ʋasina‐kuʋudzwa ɀake, ʋacaʋona; Naiʋo ʋasina‐kunzwa ʋacanzwisisa.
22
Naiɀoɀo ndakadziʋiswa ʋo kazhinji kuʋuya kwamuri;
23
ɀino ɀandisinapokuɓata panyika idzi, ʋuye ɀaaʋa makore mazhinji ndiciɗa ɀikuru kuʋuya kwamuri,
24
kana ndicienda Spania, ndicaʋuya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuʋonai parwendo rwaŋgu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta ɀishoma kuʋonana nemi).
25
Asi ɀino ndomboenda Jerusarema kundoshumira ʋatȿene.
26
Nokuti ʋeMakedonia naʋeAkaya ʋakati ɀakanaka kuti ʋagoʋane naʋarombo paʋatȿene ʋari paJerusarema.
27
Nokuti ʋakati ɀakanaka; ʋaneŋgaʋa naʋo. Nokuti kana ʋahedeni ʋakaitwa ʋagoʋani naʋo paɀinhu ɀoMŋeya, ʋaneŋgaʋa ʋo rokuʋashumira paɀinhu ɀenyama.
28
Naiɀoɀo kana ndapedza cinhu ici, ndikaʋaʋigira ciɓereko ici, ndicaenda Spania nokwenyu.
29
Ndinoziʋa kuti kana ndiciʋuya kwenyu, ndicaʋuya nokuropafadza kwakazara kwaKristu.
30
Ɀino ndinokumbira ɀikuru, hama dzaŋgu, naShe weɗu, Jesu Kristu, ʋuye noruɗo rwoMŋeya, kuti murwe pamŋe cete neni pakunyeŋgetera kwenyu kunaMŋari pamsoro paŋgu;
31
kuti ndisunuŋgurwe kunaʋasiŋgatereri muJudea, ʋuye kuti kushumira kwaŋgu kunaʋeJerusarema kufadze ʋatȿene;
32
kuti ndiʋuye kwamuri nomufaro nokuɗa kwaMŋari, ndiwane zororo pamŋe cete nemi.
33
Ɀino Mŋari worugare ŋgaaʋe nemi mose. Ameni.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16