bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 6
Romans 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
1
Ɀino ticatiyiko? Torambira muɀiʋi kuti nyasha dziwande here?
2
Haiȿa! Isu takafa kuɀiʋi, ticagara seiko mukati maɀo?
3
Ko hamuziʋi here kuti isu takabapatidzwa munaKristu Jesu, takabapatidzwa murufu rwake?
4
Naiɀoɀo pakubapatidzwa takaʋigwa pamŋe cete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuʋakafa nokubginya kwaƂaɓa, saiɀoɀo nesu ʋo tifambe noʋupenyu bgutȿa.
5
Nokuti kana takaʋa ʋamŋe naye pakufanana naye parufu rwake, ticaɗaro ʋo pakumuka kwake;
6
ticiziʋa iɀi, kuti munhu weɗu wekare wakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, kuti muʋiri weɀiʋi ushaiswe simba, tirege kuzoʋa ʋaranda ʋeɀiʋi;
7
nokuti wakafa, waruramiswa paɀiʋi.
8
Ɀino kana takafa pamŋe cete naKristu, tinotenda kuti ticararama ʋo pamŋe cete naye;
9
ticiziʋa kuti Kristu, amutswa kuʋakafa, haacazofi; rufu harucaʋi nesimba pamsoro pake.
10
Nokuti pakufa kwake, wakafa kamŋe kwaɀo kuɀiʋi; ɀino pakurarama kwake, unorarama kunaMŋari.
11
Saiɀoɀo nemi ʋo muɀiti makafa kuɀiʋi, asi kuti muri ʋapenyu kunaMŋari, munaKristu Jesu.
12
Naiɀoɀo ɀiʋi ŋgaɀirege kuɓata ʋushe mumuʋiri wenyu unofa, kuti muterere kuciʋa kwawo;
13
ʋuye musapa ɀiʋi mitezo yenyu, kuti dziʋe nhumbi dzokuita ɀisakarurama; asi muɀipei imi kunaMŋari, saʋanhu ʋakararama kuʋakafa, nemitezo yenyu kuti dziʋe nhumbi dzokururama kunaMŋari.
14
Nokuti ɀiʋi haɀiŋgaʋi nesimba pamsoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.
15
Ɀino ticati yiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiȿa!
16
Hamuziʋi here, kuti uyo wamunoɀipa kwaari kuti muʋe ʋaranda ʋake kumuterera, kuti muri ʋaranda ʋaiye wamunoterera; kana ʋeɀiʋi ɀinoisa kurufu, kana ʋokuterera kunoisa kukururama?
17
Asi Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, nokuti imi maiʋa ʋaranda ʋeɀiʋi, mukazoterera nomŋoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi.
18
Makasunuŋgurwa paɀiʋi, mukaʋa ʋaranda ʋokururama.
19
Ndinotaura nokutaura kwaʋanhu, nokuɗa kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti seɀamakapa mitezo yenyu kuti iʋe ʋaranda ʋetȿina, naʋeɀisakarurama ɀinoisa kuneɀisakarurama, saiɀoɀo ipai mitezo yenyu ɀino iʋe ʋaranda ʋokururama kunoisa kuʋutȿene.
20
Nokuti paŋguʋa iyo muciri ʋaranda ʋeɀiʋi, makaŋga makasunuŋguka pakururama.
21
Ɀino maiʋa neɀiɓereko ɀeiko paŋguʋa iyo paɀinhu iɀo ɀamunonyadziswa naɀo ɀino? Nokuti kuguma kwaɀo ndirwo rufu.
22
Asi ɀino makasunuŋgurwa paɀiʋi, maʋa ʋaranda ʋaMŋari, muneɀiɓereko ɀenyu ɀinoisa kuʋutȿene, ʋuye kuguma kwaɀo ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi.
23
Nokuti muɓairo weɀiʋi ndirwo rufu; asi cipo cokuŋgopiwa caMŋari ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi munaKristu Jesu, Ishe weɗu.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16