bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 16
Romans 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Ndinoreʋerera kwamuri Fibi, hanɀadzi yeɗu, mushandiri wekereke iri paKenkrea.
2
Kuti mumugamucire munaShe, seɀinofanira ʋatȿene, nokumuɓatsira paɀinhu ɀose ɀaaŋgashaiwa; nokuti iye amene wakaɓatsira ʋazhinji, neni ʋo ndimene.
3
Ndi kwazisirei Priska naAkwira, ʋanoɓata neni munaKristu Jesu,
4
ʋakaisa mitsipa yaʋo kurwira ʋupenyu bgaŋgu; ʋandisiŋgaʋoŋgi ini ndoga, asi nekereke dzose dzaʋahedeni.
5
Ndi kwazisirei ʋo kereke iri paimba yaʋo. Ndi kwazisirei Epeneto, muɗikanwa waŋgu, ndiye ciɓereko cokutaŋga munaKristu paAsia.
6
Ndi kwazisirei Maria, wakakuɓatsirai ɀikuru.
7
Ndi kwazisirei Androniko naJunia, worudzi rwaŋgu, ʋakasuŋgwa pamŋe cete neni, ʋakakurumbira pakati paʋaapostora, ʋakanditaŋgira ʋo kuʋa munaKristu.
8
Ndi kwazisirei Ampriato, muɗikanwa waŋgu munaShe.
9
Ndi kwazisirei Urbano, unoɓata nesu munaKristu, naStako, muɗikanwa waŋgu.
10
Ndi wazisirei Apere, wakatendwa munaKristu. Ndi kwazisirei ʋokwaAristoburo.
11
Ndi kwazisirei Herodio worudzi rwaŋgu. Ndi kwazisirei ʋokwaNarkiso, ʋari munaShe.
12
Ndi kwazisirei Trifaina naTrifosa, ʋanoɓata munaShe. Ndi kwazisirei Persisi, muɗikanwa, wakaɓata ɀikuru munaShe.
13
Ndi kwazisirei Rufosi, musanaŋgurwa munaShe, namai ʋake, naʋaŋgu.
14
Ndi kwazisirei Asinkrito, naFregoni, naHermesi, naPatrobasi, naHermasi, nehama dziri kwaʋari.
15
Ndi kwazisirei Firorogosi, naJuria, naNerea, nehanɀadzi yake, naOrimpasi, naʋatȿene ʋose ʋari kwaʋari.
16
Kwazisanai nokuȿeta kutȿene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai.
17
Ɀino ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, kuti mucerekedze aʋo ʋanopesanisa, naʋanogumbusa, ʋaciita ɀinopesana nedzidziso yamakadzidza imi; muʋanɀeŋge.
18
Nokuti ʋakaɗaro haʋaɓatiri Ishe weɗu Kristu, asi ɗumbu raʋo; ʋanonyeŋgera mŋoyo yaʋasina‐ɀakaipa namashoko aʋo akanaka, anoɓata kumeso.
19
Nokuti kuterera kwenyu kwakaȿika kuʋanhu ʋose. Naiɀoɀo ndinofara pamsoro penyu; asi ndinoɗa kuti muʋe ʋakacenjera kuneɀakanaka, asi ʋasinenjere kuneɀakaipa.
20
Ɀino Mŋari worugare ucakurumidza kupxanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaShe weɗu Jesu ŋgadziʋe nemi.
21
Timotio, unoɓata neni, unokukwazisai; naRukio, naJasoni, naSosipatrosi, ʋorudzi rwaŋgu.
22
Ini Tertiosi, unonyora ŋwadi iyi, ndinokukwazisai munaShe.
23
Gaiosi, wakandigamucira ini nekereke yose, unokukwazisai.
24
Erastosi, muceŋgeti wemari yeguta, unokukwazisai, naKwartosi ʋo, hama.
25
Ɀino iye, unogona kukusimbisai, seɀinoreʋa Evaŋgeri yaŋgu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kweɀakaʋanzika, ɀisina‐kurebga ŋguʋa dzisiŋgaperi,
26
asi ɀino ɀinoratidzwa nokuziʋiswa kumarudzi ose, naMagwaro aʋaprofita, seɀakarairwa naMŋari usiŋgaperi, kuti ʋaterere nokutenda;
27
iye Mŋari wakacenjera oga, ŋgaaʋe nokubginya naJesu Kristu nokusiŋgaperi. Ameni.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16