bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 4
Romans 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
1
Ɀino ticati Abrahama, teteguru ʋeɗu panyama, wakawaneiko?
2
Nokuti ɗai Abrahama akaruramiswa namaɓasa ake, uŋgaɗai ane cinhu caaŋgaɀirumbidza naco; asi haana pamberi paMŋari.
3
Nokuti Rugwaro runoti kuɗiniko? Runoti: Abrahama wakatenda Mŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama.
4
Ɀino kunounoɓate‐ɓasa, muɓairo haunzi ndowenyasha, asi ndoweŋgaʋa.
5
Kunousiŋgaɓati, asi unotenda kunaiye unoruramisa munhu usiŋgaɗi Mŋari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama.
6
Seɀinoreʋa ʋo Davidi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMŋari wakarurama, kunze kwamaɓasa,
7
aciti: Ʋakaropafadzwa ʋakakaŋganwirwa ɀisakarurama ɀaʋo, Naʋakafukidzirwa ɀiʋi ɀaʋo;
8
Wakaropafadzwa munhu usiŋganzi naShe uneɀiʋi.
9
Ɀino kuropafadzwa uku ndokwaʋakadziŋgiswa, kana kwaʋasina‐kudziŋgiswa here? Nokuti tinoti, kunaAbrahama kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.
10
Ɀino ɀakanzarwo seiko? Atodziŋgiswa, kana asina‐kudziŋgiswa here? Haɀina‐ kunzarwo adziŋgiswa, asi asina‐kudziŋgiswa;
11
wakapiwa ciratidzo cokudziŋgiswa, kuti ciʋe cisimbiso cokururama kwokutenda, kwaakaŋga ana’ko asati adziŋgiswa; kuti aʋe ɓaɓa ʋaʋose ʋanotenda, kunyaŋge ʋasina‐kudziŋgiswa, kuti ʋagonzi ʋakarurama;
12
aʋe ɓaɓa ʋokudziŋgiswa kunaiʋo ʋasina‐kudziŋgiswa ɓedzi, asi ʋanofamba ʋo mumakwara okutenda kwaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, kwaʋaiʋa nako ʋasati ʋadziŋgiswa.
13
Nokuti cipikirwa cokuti ucaʋa mugari wenhaka yenyika hacina‐kupiwa Abrahama kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kwokutenda.
14
Nokuti ɗai ʋomurairo ʋari ʋagari ʋenhaka, kutenda hakunamaturo, necipikirwa cinokoneswa;
15
nokuti murairo unoʋuyisa kutsamŋa; asi pasinomurairo hapana‐kuɗarika ʋo.
16
Saka ndeɀokutenda, kuti, ɀiʋe ɀenyasha; kuti cipikirwa ciʋe nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo ɓedzi, asi norwokutenda kwaAbrahama ʋo, iye ɓaɓa ʋeɗu tose,
17
(seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Ndakakuita ɓaɓa ʋamarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mŋari unopa ʋakafa ʋupenyu, nokuɗana ɀisi’po seɀineŋge ɀiri’po.
18
Wakatenda netariro pasinetariro, kuti aʋe ɓaɓa ʋamarudzi mazhinji, seɀakaŋga ɀarebga, ɀicinzi: Rudzi rwako rucaɗaro.
19
Haana‐kushaiwa simba pakutenda, acifuŋga muʋiri wake wakaŋga watofa hawo (ɀaaiʋa namakore aneŋge zana), nokufa kweciɀaro caSara;
20
akatarira cipikirwa caMŋari, haanakunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mŋari,
21
aciziʋa kwaɀo, kuti ico caakapikira, wakaŋga anesimba rokuciita ʋo.
22
Saka ɀakanzi kwaari ndiko kururama.
23
Ɀino haɀina‐kunyorwa nokuɗa kwake ɓedzi, kuti ɀakanzarwo kwaari;
24
asi nokuɗa kweɗu ʋo; nesu ticanzarwo, iyesu, tinotenda kunowakamutsa Jesu, Ishe weɗu, kuʋakafa,
25
iye wakaiswa kurufu nokuɗa kwokuɗarika kweɗu, akamutswa nokuɗa kwokururamiswa kweɗu.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16