bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 5
Romans 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
1
Naiɀoɀo ɀatinoruramiswa nokutenda ŋgatiʋe norugare kunaMŋari naShe weɗu, Jesu Kristu;
2
watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ŋgatifare netariro yokuʋona kubginya kwaMŋari.
3
Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi ŋgatifare ʋo mumaɗambudziko, ticiziʋa kuti kutambudzika kunoʋuyisa kutsuŋgirira;
4
kutsuŋgirira kunoʋuyisa kuidzwa; kuidzwa kunoʋuyisa tariro;
5
tariro hainyadzisi; nokuti ruɗo rwaMŋari rwakaɗirwa mumŋoyo yeɗu noMŋeya Mutȿene watakapiwa.
6
Nokuti ticiri pakushaiwa simba, Kristu paŋguʋa yakafanira wakafira ʋasiŋgaɗi Mŋari.
7
Nokuti ɀinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti ɀimŋe mumŋe uŋgatsuŋga kufira wakanaka.
8
Asi Mŋari unoratidza ruɗo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, ticiri ʋatadzi.
9
Ɀino, ɀatakaruramiswa muropa rake, ticaponeswa ɀikuru sei naye pakutsamŋa.
10
Nokuti ɀatakayananiswa naMŋari nokufa kwoMŋanakomana wake, ticiri ʋaʋeŋgi ʋake, ɀikuru ticaponeswa kana tayananiswa noʋupenyu bgake;
11
ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi tinofara ɀikuru ʋo munaMŋari naShe weɗu Jesu Kristu, watakapiwa ɀino naye iko kuyananiswa.
12
Saka, ɀiʋi seɀaɀakapinda munyika nomunhu mumŋe, norufu rukapinda neɀiʋi; saiɀoɀo rufu rwakaȿika kuʋanhu ʋose, nokuti ʋose ʋakatadza;
13
nokuti murairo usati waʋa’po, ɀiʋi ɀakaŋga ɀiri panyika; asi ɀiʋi haɀiʋereŋgerwi munhu, kana kusinomurairo.
14
Asi rufu rwakaɓata ʋushe kubva kunaAdama kuȿikira kunaMosesi, kunyaŋge napakati ʋo paʋasina‐kutadza nokuɗarika kwaAdama, waiʋa mufananidzo wowakaŋga acizoʋuya.
15
Asi cipo cokuŋgopiwa hacifanani nokuɗarika. Nokuti kana ʋazhinji ʋakafa nokuɗarika kwomumŋe, ɀikuru nyasha dzaMŋari necipo cakaʋuya nenyasha dzomunhu mumŋe, Jesu Kristu, ɀakawandira ʋazhinji.
16
Ʋuye cipo hacifanani ne ɀiʋi ɀomunhu mumŋe wakatadza; nokuti kutoŋga kwakaʋuya nomunhu mumŋe kuti ʋa piwe mhoȿa; asi cipo cokuŋgopiwa cakaʋuya nokuɗarika kuzhinji, kuti ʋa ruramisirwe.
17
Nokuti kana nokuɗarika kwomumŋe rufu rwakaɓata ʋushe nomunhu uyu mumŋe; ɀikuru aʋo, ʋakapiwa kuwanda kwenyasha nokwecipo cokururama, ʋacaɓata ʋushe paʋupenyu nomumŋe, iye Jesu Kristu.
18
Naiɀoɀo, kutoŋga seɀa kwakaʋuya kuʋanhu ʋose nokuɗarika kumŋe, kuti ʋa piwe mhoȿa; saiɀoɀo nokururamisa kumŋe cipo cokuŋgopiwa cakaʋuya kuʋanhu ʋose, kururamisirwa kwoʋupenyu ku kaʋa’po.
19
Nokuti ʋazhinji sezaʋakaitwa ʋatadzi nokusaterera kwomumŋe, saiɀoɀo ʋazhinji ʋacaitwa ʋakarurama nokuterera kwomumŋe.
20
Murairo wakapinda ʋo kuti kuɗarika kuwande; ɀino ɀiʋi paɀakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuʋurisa;
21
kuti ɀiʋi seɀaɀakaɓata ʋushe parufu, saiɀoɀo nyasha dziɓate ʋushe nokururama, ɀiise kuʋupenyu bgusiŋgaperi naJesu Kristu Ishe weɗu.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16