bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 7
Romans 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
1
Hamuziʋi here, hama dzaŋgu, (nokuti ndinotaura naʋanhu ʋanoziʋa murairo), kuti murairo unoɓata munhu ŋguʋa yose yoʋupenyu bgake?
2
Nokuti mukadzi, unomurume, wakasuŋgwa nomurairo kumurume wake, iye aciri mupenyu; asi kana murume afa, wasunuŋgurwa pamurairo womurume.
3
Naiɀoɀo ɀino kana akawanikwa nomumŋe murume, murume wake aciri mupenyu, ucanzi cifeʋe asi kana murume wake afa, wasunuŋguka pamurairo, ɀino haazi cifeʋe kunyaŋge akawanikwa nomumŋe murume.
4
Saka, hama dzaŋgu nemi ʋo makaitwa ʋakafa kumurairo nomuʋiri waKristu; kuti muʋe womumŋe, iye wakamutswa paʋakafa, kuti tiɓerekere Mŋari ɀiɓereko.
5
Nokuti paŋguʋa iyo ticiri munyama, kuciʋa kweɀiʋi, kwakamutswa nomurairo, kwakaɓata mumitezo yeɗu kuti kuɓereke ɀiɓereko ɀinoisa kurufu.
6
Asi ɀino takasunuŋgurwa pamurairo, takafa kunaiɀoɀo ɀatakaŋga takasuŋgwa naɀo; naiɀoɀo tinoɓatira Mŋari nomŋeya mutȿa, tisiŋgaɓatiri neɀakanyorwa ɀakare.
7
Ɀino ticatiyiko? Murairo ɀiʋi here? Haiȿa! Asi handizaiziʋa ɀiʋi kana murairo usaiʋa’po; nokuti handizaiziʋa kuciʋa, kana murairo usina‐kuti: Usaciʋa;
8
ɀino ɀiʋi ɀakawana nzira nomurairo, ɀikaita mandiri mitoʋo yose yokuciʋa; nokuti kunze kwomurairo ɀiʋi ɀakafa.
9
Ini ndaiʋa mupenyu kare kunze kwomurairo, asi mutemo ucizoȿika, ɀiʋi ɀakamuka, ini ndikafa;
10
nomutemo iwo waifanira kuisa kuʋupenyu, ndakauwana uci isa kurufu;
11
nokuti ɀiʋi ɀakawana nzira nomutemo, ɀikandinyeŋgera, ɀikandiʋuraya nawo.
12
Naiɀoɀo murairo mutȿene, nomutemo mutȿene, wakarurama, wakanaka.
13
Ko ɀino ɀakanaka ɀakazoʋa rufu kwandiri here? Haiȿa! Asi ndiɀo ɀiʋi, kuti ɀiratidzwe kuti ɀiʋi, ɀakandiitira rufu neɀakanaka; kuti nomutemo ɀiʋi ɀiʋe ɀakaipa kwaɀo‐kwaɀo.
14
Nokuti tinoziʋa kuti murairo ndowomŋeya; asi ini ndiri wenyama, ndakateŋgeswa pasi peɀiʋi.
15
Nokuti ɀandinoita handiɀiziʋi; nokuti ɀandinoita haɀizi ɀandinoɗa; asi ɀandinoʋeŋga, ndiɀo ɀandinoita.
16
Ɀino kana ndiciita ɀandisiŋgadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka.
17
Ɀino handicini ndinoɀiita, asi ɀiʋi ɀinogara mandiri.
18
Nokuti ndinoziʋa kuti mukati maŋgu, imo munyama yaŋgu, hamugari cinhu cakanaka; nokuti kuɗa kuri’po kwandiri, asi kuita ɀakanaka haku’po.
19
Nokuti ɀakanaka, ɀandinoɗa, handiɀiiti; asi ɀakaipa, ɀandisiŋgaɗi, ndiɀo ɀandinoita.
20
Ɀino kana ndiciita ɀandisiŋgaɗi, handicini ndinoɀiita, asi ɀiʋi ɀinogara mandiri.
21
Naiɀoɀo ndinowana murairo uyu kuti kana ndiciɗa kuita ɀakanaka, ɀakaipa ɀiri’po kwandiri.
22
Nokuti ndinofarira murairo waMŋari nomunhu womukati;
23
asi ndinoʋona mumŋe murairo pamitezo yaŋgu, unorwa nomurairo womuraŋgariro waŋgu, unonditapira kumurairo weɀiʋi uri pamitezo yaŋgu.
24
Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko ucandisunuŋgura pamuʋiri worufu urwu?
25
Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, naJesu Kristu, Ishe weɗu. Naiɀoɀo nomuraŋgariro ndinoɓatira Mŋari, asi nenyama murairo weɀiʋi.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16