bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 9
Romans 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
1
Ndinotaura ɀirokwaɀo munaKristu, handireʋi nhema, hana yaŋgu icindipupurira muMŋeya Mutȿene,
2
kuti ndineshuŋgu kwaɀo nokucema kusiŋgaperi mumŋoyo maŋgu.
3
Nokuti ndaiɗa kuti ini ndimene ndiʋe munhu wakatukwa, wakaparadzaniswa naKristu nokuɗa kwehama dzaŋgu, iʋo ʋorudzi rwaŋgu panyama;
4
ndiʋo ʋaIsraeri; kuʋa ʋana, nokubginya, nesuŋgano, nokupiwa murairo, nokunamata Mŋari, neɀipikirwa, ndeɀaʋo;
5
madziɓaɓa ndaaʋo, naKristu wakabva kwaʋari panyama, uri pamsoro paʋose, Mŋari unokudzwa nokusiŋgaperi. Ameni.
6
Asi handiti shoko raMŋari rakakona. Nokuti ʋakabva kuʋaIsraeri haʋazi ʋaIsraeri ʋose;
7
naʋari ʋorudzi rwaAbrahama haʋazi ʋana ʋake ʋose; asi ɀinonzi: KunaIsaka ndiko kucatumidzwa rudzi rwako.
8
Ndokuti haʋazi ʋana ʋenyama ʋari ʋana ʋaMŋari; asi ʋana ʋokupikirwa, ndiʋo ʋanonzi rudzi.
9
Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Neŋguʋa yakaita seino ndicaʋuya, Sara ucaʋa nomŋanakomana.
10
Haɀizi iɀoɀo ɓedzi; asi Rebeka ʋo, wakati aʋa nemimba kunomumŋe, iye Isaka, ɓaɓa ʋeɗu —
11
nokuti ʋana ʋasati ʋaɓerekwa, ʋasati ʋaita ɀakanaka kana ɀakaipa, kuti kufuŋga kwaMŋari pakusanaŋgura kwake kusimbiswe, kusiŋgabvi pamaɓasa, asi kunaiye unoɗana,
12
ɀakanzi kwaari: Mukuru ucaʋa muranda womuɗuku.
13
Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Jakobo ndakamuɗa, asi Esau ndakamuʋeŋga.
14
Ɀino ticatiyiko? Kusarurama kuri’po kunaMŋari here? Haiȿa!
15
Nokuti unoti kunaMosesi: Ndicanzwira ŋgoni wandinonzwira ŋgoni, ndicanzwira tsitsi wandinonzwira tsitsi.
16
Naiɀoɀo haɀi bʋi kunounoɗa, kana kunounomhanya, asi kunaMŋari, munzwiri weŋgoni.
17
Nokuti Rugwaro runoti kunaFarao: Ndiɀo ɀandakakumutsira, kuti ndiratidze simba raŋgu kwauri, ʋuye kuti zita raŋgu riparidzwe panyika yose.
18
Naiɀoɀo unonzwira ŋgoni waanoɗa; ʋuye unowomesera mŋoyo waanoɗa.
19
Ɀino iwe uŋgati kwandiri: Iye ucapireiko mhoȿa? Nokuti ndianiko unoramba kuɗa kwake?
20
Ko ɀino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mŋari? Ko cakaʋumbga ciŋgati kunowakaciʋumba: Wandiitireiko kuɗai?
21
Ko muʋumbi wehari haanesimba pamsoro pevu here, kuti neɓundu rimŋe aite mudziyo mumŋe wakakudzwa, nomumŋe usina‐kukudzwa?
22
Ɀino ticatiyiko kana Mŋari, kana akaŋga aciɗa kuratidza kutsamŋa kwake, nokuziʋisa simba rake, akaita nomŋoyo murefu ɀikuru pamsoro pemidziyo yokutsamŋirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa,
23
kuti aziʋise kufuma kwokubginya kwake pamsoro pemidziyo yeŋgoni, yaakaŋga agadzirira kubginya,
24
iyesu ʋakaɗanwa ʋo naye, tisiŋgabvi kuʋaJuda ɓedzi, asi kuʋahedeni ʋo?
25
Seɀaanoreʋa ʋo pabuku yaHosea, aciti: Aʋo ʋakaŋga ʋasi ʋanhu ʋaŋgu, ndicaʋaidza ʋanhu ʋaŋgu; Naiye wakaŋga asi muɗikanwa, ndicamuidza muɗikanwa.
26
Ɀicaitika kuti paya pakaŋga parebga kwaʋari: Hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, Ipapo ʋacaidzwa ʋanakomana ʋaMŋari mupenyu.
27
NaIsaya unoɗana pamsoro paʋaIsraeri, aciti: Kana kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri kwakaita sejeca reguŋgwa, ʋakasara ndiʋo ʋacaponeswa;
28
nokuti Ishe ucaita panyika shoko rake, nokuripedzisa nokukurumidza.
29
Seɀaakamboreʋa Isaya ʋo, aciti: Ƌai Ishe wehondo asina‐kutisiyira rudzi, Tiŋgaɗai takaʋa seSodoma, takaitwa seGomora.
30
Ɀino ticatiyiko? Ticati, ʋahedeni ʋasina‐kutȿaka kururama, ndiʋo ʋakawana kururama, iko kururama kwokutenda;
31
asi ʋaIsraeri ʋakati ʋacitȿaka murairo wokururama, haʋanakuȿika pamurairo iwoyo.
32
Neiko? Nokuti haʋana‐kuutȿaka nokutenda, asi ɀineŋge namaɓasa aʋo. Ʋakagumburwa nebge rinogumbusa.
33
Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Tarira, ndinoisa paZioni ibge rokugumbusa, neɗombo rokupiŋganidza; Unotenda kwaari, haaŋganyadziswi.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16