bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 14
Romans 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
1
Ɀino gamucirai usinesimba pakutenda kwake musiŋgaiti gakaʋa naye pamsoro pokufuŋga kwake.
2
Mumŋe munhu unokutenda kuti uŋgadya ɀose; asi usinesimba unodya miriʋo.
3
Unodya ŋgaarege kuɀidza usiŋgadyi; usiŋgadyi ŋgaarege kupa mhoȿa unodya; nokuti Mŋari wakamugamucira.
4
Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumŋe munhu mhoȿa? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Ucamiswa hake, nokuti Ishe unesimba rokumumisa.
5
Mumŋe munhu unoti zuʋa rimŋe rinopfuʋura rimŋe; mumŋe unoti mazuʋa ose akafanana. Mumŋe nomumŋe ŋgaaziʋe kwaɀo mumŋoyo make.
6
Uyo unoceŋgeta zuʋa, unoriceŋgeta nokuɗa kwaShe; uyo unodya, unodya nokuɗa kwaShe, nokuti unoʋoŋga Mŋari; uyo usiŋgadyi, haadyi nokuɗa kwaShe, naiye unoʋoŋga Mŋari.
7
Nokuti hakunomumŋe weɗu unoɀiraramira iye oga, hakuna‐unoɀifira iye oga.
8
Nokuti kana ticirarama tinoraramira Ishe; kana ticifa, tinofira Ishe; ɀino kana ticirarama, kana ticifa, tiri ʋaShe.
9
Nokuti Kristu wakafira iɀoɀi, akararama ɀe kuti aʋe Ishe waʋose — ʋakafa naʋapenyu.
10
Ɀino iwe, unopireiko hama yako mhoȿa? Kana newe ʋo, unoɀidzireiko hama yako? Nokuti isu tose ticamira pacigaro cokutoŋga caMŋari.
11
Nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe — ibvi rimŋe nerimŋe ricandifugamira, Rurimi rumŋe norumŋe rucakudza Mŋari.
12
Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe weɗu ucaɀiɗaʋirira kunaMŋari.
13
Naiɀoɀo ŋgatirege kuramba ticitoŋgana; asi ɀirinani kuti mutoŋge, kuti munhu arege kuisa cigumbuso kana cinopiŋganidza pamberi pehama yake.
14
Ndinoziʋa, nokuziʋisisa kwaɀo munaShe Jesu, kuti hakunecinhu cinetȿina cimeme; asi uyo unoti, cinetȿina, kwaari cinetȿina.
15
Nokuti kana hama yako iciȿiɓiswa mŋoyo nokuɗa kweɀokudya, iwe haucafambi noruɗo. Usaparadza neɀokudya ɀako uyo wakafirwa naKristu.
16
Naiɀoɀo kunaka kwenyu ŋgakurege kuɀidzwa.
17
Nokuti ʋushe bgaMŋari haɀizi ɀokudya kana ɀokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMŋeya Mutȿene.
18
Nokuti unoɓatira Kristu paɀinhu iɀi, unofadza Mŋari, ʋuye unotendwa naʋanhu.
19
Naiɀoɀo ŋgatitȿake iɀo ɀinoʋuyisa rugare neɀatiŋgasimbisana naɀo.
20
Regai kuparadza ɓasa raMŋari nokuɗa kweɀokudya. Ɀinhu ɀose ɀakanaka haɀo: asi ɀakaipira munhu unodya acigumbusa ʋamŋe.
21
Ɀakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita cimŋe cinhu ciŋgagumbusa hama yako.
22
Kana uri iwe, kutenda kwaunako uʋe nako umene pamberi paMŋari. Wakaropafadzwa munhu uyo usiŋgaɀipi mhoȿa paɀinhu ɀaano ɀi tendera.
23
Asi uyo unonyunyuta waʋa nemhoȿa kana acidya, nokuti haadyi nokutenda; ɀose ɀisiŋgabvi pakutenda, ɀiʋi.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16