bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 11
Romans 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
1
Ɀino ndinoti: Ko Mŋari wakarasha ʋanhu ʋake here? Haiȿa! Nokuti neni ʋo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbrahama, weimba yaBenjamini.
2
Mŋari haanakurasha ʋanhu ʋake ʋaakaziʋa pakutaŋga. Ko hamuziʋi kuti Rugwaro runoti kuɗini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMŋari pamsoro paʋaIsraeri, aciti:
3
Ishe, ʋakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu, ʋakaputsa artari dzenyu; ini ndakasiyiwa ndoga, ɀino ʋanotȿaka kundiʋuraya.
4
Asi Mŋari unomupindureiko? Unoti: Ndakaɀisiyira ʋarume ʋaneɀuru ɀinomŋe, ʋasina‐kufugamira Baari.
5
Ɀino, saiɀoɀo neŋguʋa ino ʋo ʋari’ko ʋakasara, ʋakasanaŋgurwa nenyasha.
6
Ɀino kana kusanaŋgura kuri kwenyasha, hakuzati kuciri kwamaɓasa; kana ɀisakaɗaro, nyasha hadziciri nyasha.
7
Ɀino ticatiyiko? ƲaIsraeri haʋana‐kuwana ɀaʋakaŋga ʋacitȿaka, asi ʋakasanaŋgurwa ndiʋo ʋakaɀiwana; ʋamŋe ʋakawomeswa,
8
seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Mŋari wakaʋapa mŋeya wehope; meso, kuti ʋarege kuʋona, nenzeʋe, kuti ʋarege kunzwa, kuȿikira zuʋa ranhasi.
9
NaDavidi ʋo unoti: Tafura yaʋo ŋgaiitwe musuŋgo, neriʋa, Necigumbuso, necinotsiʋa kwaʋari:
10
Meso aʋo ŋgaaȿiɓirwe, ʋarege kuʋona; Mukotamise misana yaʋo misi yose.
11
Ɀino ndinoti: Ʋakagumbuswa kuti ʋawe here? Haiȿa! Asi nokuwa kwaʋo ruponeso rwakaȿika kuʋahedeni, kuti ʋamutsirwe goɗo.
12
Ɀino kana kuwa kwaʋo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwaʋo kwakafumisa ʋahedeni, ɀikuru sei kuzara kwaʋo?
13
Ndinotaura kwamuri, imi ʋahedeni. Ɀandiri muapostora waʋahedeni, ndinokudza ɓasa raŋgu.
14
Ɀimŋe ndiŋgamutsa goɗo kunaʋenyama yaŋgu, ndiponese ʋamŋe ʋaʋo.
15
Nokuti kana kurashwa kwaʋo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamucirwa kwaʋo kucagoʋeiko, asi ʋupenyu pakufa?
16
Ɀino kana ciɓereko cokutaŋga ciri citȿene, ɓundu rose rakaɗaro ʋo; kana mudzi uri mutȿene, mataʋi akaɗaro ʋo.
17
Ɀino, kana mamŋe mataʋi akavuniwa, iwe, muorivi wokuɗondo ukaɓatanidzwa pakati pawo, ukaʋa nomugoʋe pamŋe cete nawo pamudzi napamafuta omuorivi;
18
usaɀikudza pamsoro pamataʋi; kana uciɀikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unoku takura iwe.
19
Ɀino iwe ucati, mataʋi akavuniwa, kuti ini ndiɓatanidzwe.
20
Ndiɀoɀo; ʋakavuniwa nokusatenda kwaʋo, iwe unomira nokutenda kwako. Usaɀikudza, asi utye;
21
nokuti kana Mŋari asina‐kurega mataʋi okutaŋga, haaŋgakuregi newe ʋo.
22
Ɀino tarira ʋunyoro nokukasharara kwaMŋari; kukasharara kunaʋakawa, asi kwauri ʋunyoro bgaMŋari, kana ucigara paʋunyoro bgake; kana ɀisakaɗaro, newe ucatemŋa ʋo.
23
Naiʋo ʋo, kana ʋasiŋgagari pakusatenda kwaʋo, ʋacaɓatanidzwa; nokuti Mŋari unogona kuʋaɓatanidza ɀe.
24
Nokuti kana iwe wakatemŋa kumuorivi, uri wokuɗondo pakusikwa kwawo, ukaɓatanidzwa pamuorivi wakanaka, ɀicipesana nokusikwa kwaɀo — ɀikuru sei aʋa ʋariʋomuti iwoyo umene, ʋaŋgaɓatanidzwa pamuorivi waʋo!
25
Nokuti hama dzaŋgu, handiɗi kuti musaziʋa cakaʋanzika ici, kuti murege kuʋa namanyawi; kuti kuwomeswa kwomŋoyo kwakaʋuya pamsoro paʋamŋe ʋaʋaIsraeri kuȿikira kuzara kwaʋahedeni kwapinda;
26
naiɀoɀo rudzi rwose rwaʋaIsraeri rucaponeswa; seɀaɀakanyorwa ɀicinzi: PaZioni pacaɓuɗa Musunuŋguri; Ucabvisa kusaɗa‐Mŋari kunaJakobo;
27
Iyi ndiyo suŋgano yaŋgu naʋo, Musi wandicabvisa ɀiʋi ɀaʋo.
28
Kana iri Evaŋgeri, iʋo ʋaʋeŋgi ʋaMŋari nokuɗa kwenyu; asi kana kuri kusanaŋgurwa, ʋaɗikanwa nokuɗa kwamadziɓaɓa.
29
Nokuti ɀipo ɀaMŋari nokuɗana kwake haɀishandurwi.
30
Nokuti semi kare makaŋga musiŋgatereri Mŋari, asi ɀino makanzwirwa ŋgoni nokusaterera kwaʋo,
31
saiɀoɀo naiʋo ɀino haʋana‐kuterera, kuti neŋgoni dzakaitirwa imi naiʋo ʋanzwirwe ʋo ŋgoni.
32
Nokuti Mŋari wakaʋapfigira ʋose pakusaterera kwaʋo, kuti aʋanzwire ŋgoni ʋose.
33
Haiwa kufuma kwokucenjera nokuziʋa kwaMŋari kwakadzika sei! Kutoŋga kwake hakuŋganɀerwi, nenzira dzake hadziŋgarondwi!
34
Nokuti ndianiko wakaziʋa muraŋgariro waShe? Ndianiko wakaŋga ari murairi wake?
35
Ndianiko wakataŋga kumupa, kuti aripirwe ɀe?
36
Nokuti ɀose ɀinobva kwaari, ɀiri’po naye, ɀiri’po nokuɗa kwake. Ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi. Ameni.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16