bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Romans 3
Romans 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
1
Ko muJuda unopfuʋura ʋamŋe neiko? Kana kudziŋgiswa kunoɓatsireiko?
2
Ɀizhinji, nemitoʋo yose: Pakutaŋga, kuti ndiʋo ʋakapiwa mashoko aMŋari.
3
Nokuti ɀinoɗiniko kana ʋamŋe ʋasinokutenda? Ko kusatenda kwaʋo kucakonesa kutendeka kwaMŋari here?
4
Haiȿa! Mŋari ŋgaaʋe waɀokwaɗi, asi ʋanhu ʋose ʋaʋe ʋenhema; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutoŋga kwenyu.
5
Asi kana kusarurama kweɗu kuciratidza kururama kwaMŋari, ticatiyiko? Kuti Mŋari haana‐kururama here, ɀaanoita nehasha? (Ndinotaura nokutaura kwomunhu.)
6
Haiȿa! Mŋari uŋgagozotoŋga nyika seiko?
7
Ɀino kana ɀokwaɗi yaMŋari yawanzwa nenhema dzaŋgu, iye akakudzwa naɀo, ko neni ʋo ndicatoŋgerwei somutadzi?
8
Ticaregereiko kutaura (seɀatinopomerwa, ʋuye seɀinoreʋa ʋamŋe ʋaciti tinoɗaro), ticiti: Ŋgatiite ɀakaipa, kuti ɀakanaka ɀiɓuɗe’po? Kutoŋgwa kwaʋo kwakarurama.
9
Ɀino toɗiniko? Tinoʋapfuʋura here? Kwete napaɗuku; nokuti tambopa ʋose mhoȿa, ʋaJuda naʋaGiriki, ticiti ʋose ʋakasuŋgwa neɀiʋi;
10
seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Hakuna‐wakarurama, kunyaŋge nomumŋe;
11
Hakuna‐unonzwisisa, Hakuna‐unotȿaka Mŋari;
12
Ʋakatsauka ʋose, ʋakaʋa ʋanhu ʋasinamaturo, Hakuna‐unoita ɀakanaka, kunyaŋge nomumŋe cete;
13
Huro dzaʋo bgiro bgakashama; Ʋakanyeŋgera nendimi dzaʋo; Ʋuturu bgenyoka bguri mumiromo yaʋo;
14
Muromo waʋo uzere nokutuka nokuʋaʋa;
15
Tsoka dzaʋo dzinokurumidza kuteʋura ropa;
16
Kuparadza nenhamo ɀiri munzira dzaʋo;
17
Nenzira yorugare haʋana‐kuiziʋa.
18
Kutya Mŋari haku’po pamberi paʋo.
19
Ɀino tinoziʋa kuti ɀose ɀinorebga nomurairo, uno ɀi taura kunaʋose ʋari pasi pomurairo; kuti miromo yose idziʋirwe, nenyika yose iʋe nemhoȿa pamberi paMŋari.
20
Nokuti hakunenyama iŋgaruramiswa pamberi pake namaɓasa omurairo; nokuti ɀiʋi ɀinoziʋiswa nomurairo.
21
Asi ɀino kururama kwaMŋari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kucipupurirwa nomurairo naʋaprofita;
22
ndiko kururama kwaMŋari kunoʋuya nokutenda kunaJesu Kristu kunaʋose ʋanotenda; nokuti haʋasiyani,
23
nokuti ʋose ʋakatadza, ʋakasaȿika pakubginya kwaMŋari.
24
Ʋanoŋgoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu;
25
iye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti ɀiʋi ɀakaitwa kare ɀakaregerwa, Mŋari aciʋaitira mŋoyo murefu;
26
kuti kururama kwake kuratidzwe neŋguʋa ino, kuti arurame iye amene, ʋuye aruramise uyo unotenda kunaJesu.
27
Ɀino kuɀikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurairo upiko? Wamaɓasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda.
28
Naiɀoɀo tinoti, munhu unoruramiswa nokutenda kunze kwamaɓasa omurairo.
29
Ko Mŋari ndiye waʋaJuda ʋoga here? Haazi waʋahedeni ʋo here? Hoŋo, waʋahedeni ʋo;
30
Mŋari ɀaari mumŋe cete, ucaruramisa ʋakadziŋgiswa pamsoro pokutenda, naʋasina‐kudziŋgiswa nokutenda.
31
Ɀino tinokonesa murairo nokutenda here? Haiȿa! Asi tinosimbisa murairo.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16